Nhengo ina dzedare reCongress mu America neChina dzakasangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uye vamwe vakuru hurumende muHarare, vachikurukura nyaya yekudyidzana kwenyika mbiri idzi.
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, avo vanova zvakare munyori mukuru we MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vanoti vanofara zvikuru nekushanya kwaita nhengo dzedare reCongress reku America idzi. VaBiti tendawo America nerubatsiro rwairi kupa Zimbabwe.
VaBiti vatiwo vanovimba kuti nhengo idzi dzichadzokera kumusha dzonovandudza mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act, ZIDERA.
Mutemo uyu unorambidza hurumende yeAmerica, kana chizvarwa chemu America kuita zvemabhizinesi nehurumende yeZimbabwe, kuisanganisirawo nhengo dzeZanu-PF dzakatemerwa zvirango.
Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri wechikwata cheAmerica, VaGregory Meek, avo vanova nhengo ye Democratic Party, uye vachimirira New York mudare reparamende, vatiwo nyika yavo inoda zvikuru kushanda neZimbabwe.
VaMeek vatiwo nhengo dzedare reCongress dzicharamba dzichishanyira Zimbabwe, uye kushanda nevanhu vemuZimbabwe kuitira kuti zvinhu zvifambire mberi.
Vamwe vari kushanya naVaMeek ndiva Melvin Watt, avo vanomirira North Carolina; mumiriri we Indiana, VaAndre Carson, pamwe nemumiriri we Georgia, VaJack Kingston.
Chikwata ichi chinoti nyaya yekubviswa kwezvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo muZanu-PF ichaongororwa nedare reparamende muAmerica, uye dare iri ndiri rinobuda nezvisungo zvinotorwa.
Imwe nhengo yeZanu-PF uye vari vaimbova mumiriri weZimbabwe kuChina, VaChris Mutsvangwa, vanoti kushanya kwenhengo dzeCongress idzi kwakakosha mukudyidzana kweAmerica neZimbabwe.