Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoshora Britain Vachivhura Paramende


President Robert Mugabe addresses the nation as Zimbabwe celebrates 30 years of independence from Britain, in Harare, 18 Apr 2010
President Robert Mugabe addresses the nation as Zimbabwe celebrates 30 years of independence from Britain, in Harare, 18 Apr 2010

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakavhura zviri pamutemo neChipiri chikamu chechitatu cheparamende yechinomwe vachiti hurumende yemushandira pamwe iri kushanda zvakanaka kunyange hazvo iri kudzoserwa shure nevavengi vakaita sehurumende yeBritain nedzimwe nyika.

Va Mugabe vati hurumende yazadzisa zvinodiwa nechibvumirano chezvematongerwo enyika kubudikidza nekunyorwa kuri kuitwa bumbiro idzva remitemo yenyika ravati rinofanira kubuditsa zvido zveveruzhinji.


Vatiwo mabhiri akaita serinoona nezvekodzero dzevanhu munyika, bhiri rinoona nezvesarudzo, pamwe nerereferendamu achazeyewa muchikamu chechitatu cheparamende yechinomwe.


VaMugabe vaudza dare reparamende kuti chikamu chechitatu cheparamende yechinomwe chichazeyawo bhiri rezvevatori venhau, iro richavandudza mutemo we Access to Information and Protection of Privacy Act panyaya dzekunyoresa kwevatori venhau.


VaMugabe vati bhiri rezvemigodhi richazeyewawo muparamende kuitira kuti pasave nefungidziro yakaipa kune vanoda kusima mari mune zvemigodhi, vangave vemuno munyika kana vekunze.


Vati Zimbabwe ine mukana wekuchera zvikamu makumi maviri nezvishanu zvemangoda kubva muzana. Vati kunyange hazvo pane vari kutsoropodza mangoda ekwa Marange vachiti kuri kutyorwa kodzero dzvenhu, zimbabwe haisi kuzodzokera kumashure panyaya dzekutengesa mangoda aya. Mashoko aVa Nugabe anouya apo ve Kimberly Process vakatarisirwa kuita musangano muSt Petersburg, kuRussia neChina wekuzeya nyaya yemangoda ekwaMarange.

Panyaya yekushomeka kwemagetsi, Va Mugabe vati hurumende ine hurongwa hwekuvandudza michina inogadzira magetsi yeku Hwange pamwe neku Bulawayo.


Vatiwo hurumende iri kutadza kuvaka dzimba nepamusana pekushaikwa kwemari. Asi vati hurumende yakatseketudzira kuti ive nechirongwa chezvikwereti chakangana nekuvakwa kwedzimba uye hurumende yakaisa mamiriyoni gumi emadhora ekuAmerica parutivi kuitira kuti chirongwa ichi chifambire mberi.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti haisati yagara pasi sebato kuitira kuti itore danho pamashoko aVaMugabe. Asi nhengo yeparamende yebato iri, uye vari mutevedzeri wemutauriri webato iri, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti mashoko aVaMugabe haana maturo ose.

Vane ruzivo nezviri kuitika muhurumende vanoti neChitatu pakuparurwa kwechirongwa chekufambiswa kwemari chepakati pegore, gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vari kutarisirwa kukurudzira Zimbabwe kuti itevedzere zviri kudiwa neKimberly Process, kuitira kuti mangoda ekwaMarange atengeswe zviri mugwara.

VaBiti vari kutarisirwa kutaura kuti Zimbabwe igadzirise nyaya yemangoda iri kumatare, uye kuti mutungamiri we Centre for Research and Development, VaFarai Maguwu, avo vainge vari muhusungwa nenyaya yemangoda, vasashungurudzwa.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti VaMugabe vabaya dede nemukanwa zvikuru panyaya yehupfumi.

VaMugabe vatiwo hupfumi hwenyika huchakwira kusvika pa 5,4% kwete 7,7% yaimbenge yambotaurwa.

XS
SM
MD
LG