Accessibility links

Breaking News

Vamwe VeChidiki muZimbabwe Vouya kuAmerica Pasi peChirongwa cheMandela Washington Fellowship


Vechidiki vakaenda kuzvirongwa zveMandela Washington Fellowship vanoti hunyanzvi hwavakawana pasi pechirongwa ichi hwurikuchinja pamwe nekuvandudza hupenyu hwavo.

Mumwe wevechidiki vari kuuya pahurongwa hwegore rino ndiVaRobson Chere vanova munyori mukuru wesangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ vanoti vari kutarisira kuti kana vadzokera kumusha vachabatsirawo vamwe vechidiki kuti vasimudzire mabasa avanoita.

Ko vamwe vakambopindawo muhurongwa uhu makore apfura vanoti kudii? Muzvare Kudakwashe Makuzwa vane makore makumi matatu nemapfumbamwe vakaenda kuchirongwa cheMandela Washington muna 2015.

Muzvare Makuzwa vanoti pavakaenda kuchirongwa ichi vaingove mushandi asi iye zvino vave muzvinabhizimusi vachipfuya nyuchi.

VaDzikamai Bere vanorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum vanotiwo chirongwa ichi chakavandudza hudzamu hwavo panyaya dzehutungamiriri izvo zvakaita kuti vakwidziridzwe pabasa.

VaBere vakasarudzwa kuenda kuchirongwa ichi muna2017 vakaenda kuUnivhesiti yePresidential Precinct vanotiwo chirongwa ichi chakavapawo mukana wekuumba hukama nevamwe vechidiki muAfrica vanoitawo mabasa ekurwira kodzero dzevanhu saivo.

VaVivid Gwede avo vanova sachigaro wevechidiki vese vakaenda kuchirongwa ichi unonzi Mandela Washington Fellowship Alumni Association vanoti vakabatsirwawo zvakanyanya nechirongwa ichi.

Muna 2016, VaGwede vainge vari kuUniversity of Duquesne muPennyslavania.

Mutauriri wemuzinda weAmerica muZimbabwe, Amai Stacy Lomba vanoti vanofara zvikuru kuti vazhinji vakaenda kuchirongwa ichi vave vana muzvinabhizimusi ukuwo vamwe vave vatungamiriri mukurwira kodzero dzeveruzhinji.

Imwe nhengo yesangano rinoshanda nevechidiki reYouth and Community Development VaOwen Dhliwayo vati chirongwa cheMandela Washington Fellowship ichi chakakosha zvikuru sezvo chichivandudza hutungamiriri hwevechidiki munyika uyewo muAfrica.

Chirongwa ichi chakatangwa nevaimbove mutungamiriri weAmerica, VaBarack Obama chichinzi Young African Leaders Intiative, Yali muna 2014.

America inoti kusvika parizvino zvizvarwa zveZimbabwe mazana maviri anegumi nevatanhatu zvaenda kuchirongwa ichi chiine donzvo rekudzidzisa vechidiki zvemabhizimusi pamwe nekuvandudza hutungamiriri.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG