Vamwe vanhu vashanyira mapako eChinhoyi nhasi vakurudzira Zimparks kuti ivape munhu ane ruzivo nezvenzvimbo iyi kana kuti Tour Guide pamadhora gumi nemashanu avanenge vabhadhara kuti vapinde panzvimbo iyi.
Asi Zimparks inoti vanenge vachida nyanzvi vanobhadhara imwe mari pamusoro.
Vanhu vashoma vashanyira mapako aya nhasi zvichienzaniswa nenguva imwe cheteyo gore rapera.
Mapako eChinhoyi ayo anozivikanwawo nezita rekuti Chirorodziva anonzi aishandiswa kukandwa vanhu vanenge vatadzira Mambo Nyamakwere.
Mambo Nyamakwere vanonzi vakazorwiswa vakakundwa naMambo Chinhoyi vane zita rakazotumidzwa guta reChinhoyi. Mambo Chinhoyi vaishandisa mapako eChinhoyi kuhwanda varwi vechiNdevere kare kare kuma 1890
Asi nhoroondo yakadai yanzi naMuzvare Monalisa Kapisa havaizive sezvo vasina kupihwa munhu anovatsanangurira kana kuti Tour Guide.
Muzvare Monalisa vanotiwo matombo avanotsika vachipinda nekubuda mumapako haachisina kusimba uye mamwe avekutsvedza izvo zvinokonzera kuti vanhu vatyoke kana kuminyuka makumbo.
Mumwe mushanyi, VaShadreck Muchemeyi vanoti kushaya munhu anovatsanangurira nezvenhoroondo yemapako zvinoita kuti vana vavanenge vauya navo vatadze kuziva nhoroondo yemapako kana vave kudzidza nezveChinhoyi Caves.
Asi mumwe mushandi weZimParks uyo asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumirwe kutaura nevatori venhau anoti ZimParks haingapinze basa munhu anoshanda pahorodhe chete sezvo kuchiuya vanhu vashoma pane dzimwe nguva.
Izvi zvapesana nezvataurwa nemukuru weZimParks muChinhoyi Muzvare Mamdy Chemhere avo vanoti maTour Guides aripo asi vanobhadharwa. Muzvare Chemhere vanoti vachagadzirisa matombo ave kukuvadzisa vashanyi.
Patababvudza kuti Tour Guide anobhadharwa marii Muzvare Chemhere vatsenga mukanwa.
Asi mutauriri weZimparks VaTinashe Farawo vatsinhira kuti munhu anopa vanhu ruzivo rwakadai aripo.
Vanhu vakuru vanga vachibhadhara madhora gumi nemashanu kupinda kunoona mapako, avo vanenge vachida kufara vachigocha nyama nekunwa hwahwa nezvinwiwa vanga vachibhadhara madhora zana emari yemunyika zvisinei kuti mabhondi here kana kana kuti iswipe kana Ecocash.
Kuona shumba dziri muwaya vanhu vanobhadhara madhora makumi maviri emunyika.
Vana vane makore matanhatu kusvika pamakore gumi nemaviri vanobhadhara chidimu chemari inobhadharwa nevanhu vakuru.
Vashanyi vanobva kunze kwenyika vanobhadhara nemari yekuAmerica inoita madhora gumi kupinda mumapako, madhora mapfumbamwe kufara vanhu vachigocha nyama nekunwa uye madhora zana kupinda mumvura dzemapako kana kuti Diving.
Mapako emuChinhoyi imwe yenzvimbo dzinosanganisira Kariba Dam, Matopos nemapopoma eVic Falls dzinoshanyirwa zvikuru sei nguva ino yezororo nevashanyi vekunedzimwe nyika nevemuno munyika.
Facebook Forum