Vanachiremba navana mukoti munyika vatanga kuramwa mabasa kunyangwe nyika yatarisana nechirwere chouraya vanhu vakawanda pasi rose cheCoronavirus.
Vanachiremba navanamukoti ava vanoti hurumende iri kukundikana kuvapa zvekushandisa kuti vazvidzivire kutapurirwa zvirwere zvakaita seCoronavirus.
Mutsamba kubazi rezvehutano, iri mumaoko eStudio 7, vanamukoti kuburikidza nesangano reZimbabwe Nurses Association vati vakasuma bazi rezvehutano mazuva maviri apfuura kut vanoda zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCoronavirus, mvura muzvipatara uye mari yekushanda kwavachaita nguva yakareba vachirapa vane chirwere cheCoronavirus.
Mutsamba kubazi rezvehutano nevakuru vezvipatara zvehurumende munyika, mutungamiri wesangano rinomirira vanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Tawanda Zvakada, vatiwo nhengo dzavo hadzichakwanise kuramba dzichishanda kutanga nhasi sezvo dzisina zvekuzvidzivirira.
Vati vakaita musangano nehurumende neMuvhuro nezvenyaya iyi asi kusvika pari zvino hapana chabuda.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano, Dr Obadiah Moyo, kana munyori mubazi ravo, Dr Agnes Mahomva, sezvo vose vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.
Kusvika pari zvino hurumende inoti vanhu vatatu vabatwa nechirwere cheCoronavirus munyika uye mumwe chete, mutori wenhau, Zororo Makamba, akashaya vakavigwa neChipiri.
Mutungamiri weZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vatenda kuti vanoda zvikwanisiro muzvipatara nechimbi chimbi uye vakanda mapadza pasi..
Facebook Forum