Zimbabwe neChitatu yakapinda muzuva retatu nyika yakavharwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus, icho chabata vanhu vasere, uye kuuraya munhu mumwe chete.
Bazi rezvehutano muZimbabwe rinoti pane vanhu vanosvika mazana mapfumbamwe ne gumi nevashanu vakachaya nhare kwariri vachifungidzira kuti vane chirwere cheCoronavirus kubva musi wa 28 mwedzi wapera.
Vanhu vari kukurudzirwa kufona panhamba dzinoti 2-0-1-9 kana vachifungidzira kuti vabata chirwere ichi.
Asi pane vakakwanisa kuongororwa vakaonekwa vaine chirwere ichi vanomwe vanonzi vari kunzwa zviri nani.
Chirwere ichi, icho chakatanga kuChina gore rapera, chabata vanhu vanodarika mazana masere nemakumi masere ezviuru pasi rose, uye kuuraya vanhu zviuru makumi mana nezvina.
Italy ndiyo iri kutungamira pakufirwa nevanhu vanodarika zviuru gumi nezviviri; Spain ichifirwawo nevanhu vanopfuura zviuru zvipfumbamwe, ichiteverwa ne America, iyo yarasikirwa nevanhu vanodarika zviuru zvina, ukuwo China iine vanhu zviuru zvitatu nemazana matatu ane gumi nevaviri vafa nechirwere ichi.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vari kuyambira kuti nyika yavo inogona kurasikirwa nehupenyu hwevanhu vanogona kusvika pamazana maviri nemakumi mana ezviuru.
Vanhu vabatwa nechirwere ichi mu America vadarika zviuru zana nemakumi masere nezvishanu.
Mukuru wezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti vanenge vasingakwanise kupora vari kumba vanoendeswa kuWilkins Hospital neBeatrice Infectious Unit muHarare, kanawo kuti Thorngrove kuBulawayo.
Facebook Forum