Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanomwe Vofa Mutsaona yeZUPCO Pedyo neKwekwe


Vanhu vanomwe vakafa nezuro vamwe vane chitsama vakakuwa mushure mekubonderana kwebhazi reZUPCO ranga richienda kuHarare nemotokari yerudzi rweHonda Fit mumugwagwa weHarare-Bulawayo kunzwe kweKwekwe.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti mutyairi weHonda Fit akapinda munzira yebhazi izvo zvakaita kuti mutyairi webhazi ayedze kumunzvenga kuburikidza nekubuda kunze kwemugwagwa, asi motokari diki iyi yakazorovera pavhiri rebhazi reshure ichibva yapidiguka nekuuraya vanhu vose vatatu vanga varimo.

Hurukuro naVaPaul Nyathi
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bhazi rinonzi rakazonorovawo muti pamwe nedzimwe motokari zvakazosiyawo vanhu vatatu vanga vari mubhazi iri vafa, wechina achishaya asvika kuchipatara.

Mutungamiri wesangano revanofamba nemichovha, rePassenger Association of Zimbabwe, VaTafadzwa George Goliati, vanoti hurumende inofanirwa kukasika kusimbaradza mutemo unosungira vemabhazi kuti vasamhanya kudarika makiromita makumi masere paawa.

Vati izvi zvinobatsira kuderedza huwandu hwetsaona dzemumigwagwa.

Hurukuro naVaTafadzwa Goliati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG