Mapato anopikisa ari kukwikwidza musarudzo dzegore rino ari kukurudzira komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kuti iite kuti gwaro revavhoti riongororwe nemakambani akazvimirira.
Sachigaro webato reMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaMorgen Komichi, vanoti gwaro revavhoti rinofanira kupihwa kumakambani akazvimirira kuti aongorore gwaro iri.
Mashoko aVaKomichi aya akatsinhirwa nemutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku.
Asi mutevedzeri wemunyori anoona nezvemitemo muZanu PF, VaFortune Chasi, vanoti bato ravo harina nhuna nemariro akaita gwaro revavhoti.
Imwe nhengo yeZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti zvave pachena kuti bato ravo richakunda musarudzo ndosaka mapato anopikisa ave kutsvaga zvinongwa.
VaMugwadi vanoti Zimbabwe Electoral Commission iboka rakazvimirira vakati zviri kutaurwa nevemapato anopikisa izvi ndezvemugotsi matsuro.
Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba, vanoti komisheni yavo haina mari yekuti gwaro iri riongororwe nevemakambani akazvimirira vachiti vakatosakura vakazunza kare.
Amai Chigumba vanotiwo komisheni yavo yakasununguka kupa vese vanoda gwaro revavhoti asi vanofanira kutenga gwaro iri kubva kukomisheni yavo.
Vakaenderera mberi vachiti gwaro revavhoti rakaburitswa nekomisheni yavo igwaro rinokwanisa kupenengurika uye risingakwanisike kuti richinjwe zvariri nevanoda kusvibisa zita rekomisheni yavo yavo.
Veruzhinji vakatarisirwa kusarudza vatungamiri vavanoda kuti vavatungamirire musarudzo dzekanzuru, sarudzo dzeparamende pamwe neyemutungamiri wenyika musarudzo dzichaitwa musi wa30 Chikunguru.
Facebook Forum