Vagari vekuNemamwa vanotengesera zvinhu zvavo mumugwagwa we Masvingo- Great Zimbabwe vari kuchema chema mushure mekudzingwa nemapurisa ayo akavati ari kuchenesa mugwagwa uyu kuitira mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaKembo Mohadi, avo vange vashanya kuzochechedza zuva rekugara kwevanhu pasi rose.
Vachitaura ne Studio 7 vanotengesa ava vati vakatanga kudzingwa mumugwagwa nezuro kunyange vachirarama nekuita basa iri kuti vararamise mhuri dzavo.
VaHenry Makusha, vemumusha weZero farm, kuSikato, vati mapurisa aive ane motokari akauya achibvisa vanhu vanotengesa vachiti vanozodzoka panzvimbo dzavo kana kwapera mazuva matatu, VaMohadi vadzokera.
VaMakusha vati vanhu vazhinji vange vachangodzoka mumigwagwa kutengesa zvichitevera kusunungurwa kwakaitwa mitemo ye Covid-19 lockdown nekudaro vange vave kutowana chekuraramisa mhuri dzavo.
Mumwe mugari, Amai Mavis Moyo, vati ivo vachanonga svosve nemuromo kwemazuva matatu avadzingwa mumugwagwa wavanotengesera nekuti havana imwe nzira yeraramo.
Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Chief Inspector Charity Mazula, vati havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi nekuti vange vari mumusangano. Vavimbisa kuzofonera Studio 7 asi havana kuzodaro.
VaJohannes Mutunami vanotengesa matombo akavezwa vanoti ivo pazuva vanosiita mari inosvika makumi mashanu emadhora ekuAmereca asi pamazuva matatu aya vacharasikirwa.
Zvichakadaro, vachitaura pamusangano wavo kuMasvingo, VaMohadi vati hurumende iri kuparura chirongwa chekuvakira vanhu vazhinji dzimba vachitevedzera kodzero dzevanhu dzekuva nepekugara.
VaMohadi vati hurumende ichaita chirongwa chekuti munhu wese munyika kunyanya mumaruwa ave nemusha wakanaka unoremedzeka.
Vati nechirongwa ichi muMasvingo vaparura kuvakwa kwedzimba mazana makumi maviri uye yunyika mose gore rino vachavaka dzimba dzinopfuura zviuru mazana matatu.
Facebook Forum