Accessibility links

Breaking News

Vanozviitira Mabasa Avo kuMasvingo Vononga Svosve neMuromo


Vendors in Bulawayo. (Bathabile Masuku)
Vendors in Bulawayo. (Bathabile Masuku)

Vanoita mabasa emaoko kunyanya ekutengesa mumigwagwa mudhorobha reMasvingo vari kuchema chema kuti kusungwa kwemitemo yeCovid-19 kukurudzira vanhu kuti vagare mudzimba kwave kupa kuti zvinetse kuriritira mhuri dzavo.

Vachitaura neStudio 7 vanorarama nekutengesa mudhorobha vati hupenyu hwavo hwadzokera pakuoma zvakare kubva pakatarwa ne hurumende kuti yave kuwedzera zvisungo zvelockdown svondo rapfuura apo vave kurambidzwa kupinda mudhorobha kunoita mabasa avo.

VaTendayi Makurwe, vanoti ivo vange vave kukwanisa kutsvagira mhuri yavo raramo apo hurumende yakambosunugura lockdown asi padzoserwa zvinhu pachidanho chekutanga vave kunonga svosve nemuromo.

Vamwe vanoti kunyangwe hazvo chirwere ichi chiri kuramba chichipararira munyika sezviri kubudiswa vakagara mudzimba vasinga shande mhuri dzavo dzinofa nenzara sezvo hurumende isiri kubatsira vanhu sezviri kuitwa nedzimwe nyika dzakaita seSouth Africa neRwanda.
Amai Shumira Makoko, vanoti vari panguva yakaoma sezvo bhizimusi ravo rekutengesa mbatya pakati pedhorbha ravhara zvakare.

Asi mutauriri we Masvingo Provincial Taskforce VaRogers Irimayi, vanoti kunyangwe hurumende ichikoshesa kuti vanhu vararamise mhuri dzavo, zvakakosha kuti vanhu vateerere mirawo yelockdown kuitira kuti denda iri risapararire.
.
Mukuru murimwe sangano revanotengesa mumigwagwa re Vendors Initiative for Social Transformation(VISET), VaSamuel Wadzai vanoti nhengo dzavo dzapinzwa panguva yakaoma nechirongwa ichi.

Vamwe vanotengesa mumigwagwa vanoti hurumende yakambovavimbisa kuvapa mari dzekuti vabatsirikane asi nanhasi havasati vadziwana nekudaro kugara mudzimba kunovaisa panguva yakaoma.


Kubva pakaiswa chisungo nehurumende kuti vanhu vagare mudzimba uye vasafambe husiku kana nguva dza 6 dzachaya mauto nemapurisa akawedzerwa mudhorobha uye ari kurambidza vanhu kufamba famba.

MuMasvingo mune vanhu makumi masere nemumwe kana kuti 81 vabatwa nechirwere cheCovid-19 kusvika parizvino.

Nyaya Ina Godfree Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG