Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoti Vanoda Mari dzeKubatsirikana Sezvo Zvinhu Zvaoma


VaRaymond Majongwe, munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe
VaRaymond Majongwe, munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe

Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti riri kukurudzira hurumende kuti iwedzere mihoro yevarairidzi kuitira kuti vafambirane nekukwira kwemitengo yezvinhu.

Munyori wePTUZ, VaRaymond Majongwe vanoti mihoro yevarairidzi yave pasi kwazvo zvekuti havachakwanisa kutenga zvinodiwa nezuva nezuva kuti munhu akwanise kurarama.

VaMajongwe vanotiwo vari kukurudzira hurumende kuti ipe vashandi vayo mihoro yavo iri mumadhora eku America sezvo muzvipatara kana zvitoro zvizhinji vari kuramba kubhadharwa nemabhondi kana nemari dzemumafoni vachida yekunze.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvemari VaMthuli Ncube kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vasiri kudavira nharembozha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG