Accessibility links

Breaking News

Varwere Voomerwa neKushaikwa neKudhura kweMishonga


VaLuckymore Bhunu, vePharmacists Association (AFP)
VaLuckymore Bhunu, vePharmacists Association (AFP)

Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema nekushaikwa uye kudhura kuri kuita mishonga zvopa kuti hupenyu hwevarwere vakawanda huve munjodzi.

Zvipatara zvikuru zvehurumende zvinonzi zvasara nemishonga yakakosha isingadarike mazuva gumi.

Vanotengesa nekugadzira mishonga vanoti hurumende haisi kuvapa mari yakakwana yekunze yekutenga mishonga kubva kuIndia neSouth Africa kunyanya.

Sachigaro wePharmaceutical Manufacturers Association of Zimbabwe ,VaEmmanuel Mujuru, vatenda kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka nenyaya yekushaya mari vachiti vanoda mamiriyoni maviri emadhora asi vari kuwana zvikamu gumi kubva muzana zvemari iyi.

Mashoko aya atsinhirwawo naMuzvare Emily Nyathi vanotengesa mishonga muHarare.

Amai Nyathi vati nyaya iyi yave nenguva ingatosvika makore maviri isina kugadziriswa.

Hurumende inoti iri kuyedza kutsvaga mari yekubatsira mukutenga mushonga uye nemusi weChina yakapa vanotenga mishonga mari inosvika mamiriyoni matatu nezviuru zviviri mushure mekunge yambovapa mari inosvika mamiriyoni matanhatu nezviuru zvisere svondo rapera.

Asi chiremba Dr Rutendo Bonde vanoti mari iyi idonwe remvura mugwenga. Mashoko aya atsinhirwawo naAmai Nyathi.

Mukuru wechipatara cheMpilo Hospital, Dr Solwayo Ngwenya, vaudza nhepfenyuro yeZBC kuti vasara nemishonga inokwana mazuva gumi chete.

Matambudziko aya ndemamwe kuParirenyatwa, Harare Hospital, UBH nezvimwe zvipatara zvehurumende.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vatendawo kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzemishonga. Vanotiwo vamwe vanhu vave kutopotera kumaporofita nekun’anga

Vakawanda vataura neStudio 7 vati vave kutoita mapiritsi ekudimbura nepakati kuti vakwanise kutombowana chekunwa pazuva. Vamwewo vanoti vave kutopona nekuenda kunyika dzakaita seZambia neSouth Africa kunotsvaga mishonga.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti hurumende inofanira kumutsiridza makambani anogadzira mushonga kuti varerutse dambudziko iri.

Mari zhinji yeZimbabwe inosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana inobva kumasangano akazvimirira akaita seUnited Nations Children’s Fund, Global Fund neUS Presidents Emmergency Plan for Aids Relief neDepartment for International Development yekuBritain.

Pharmaceutical Society of Zimbabwe inogadzira mishonga inoti inoda mari inosvika mamiriyoni makumi mana nemashanu kuti itange kushanda zvakanaka.

VePharmaceutical Wholesalers Association vanoti nekuda kwechikwereti chemari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu, havachapihwe mishonga kwavaitenga. Vanoti pamwedzi vanoda mari inosvika mamiriyoni masere.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG