Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vonyunyuta neKudimurwa kweMari dzeBhonasi


Vashandi vehurumende vanoti havasi kufara nekudimurwa kwemari dzavo dzemabhonasi.
Vashandi vehurumende vanoti havasi kufara nekudimurwa kwemari dzavo dzemabhonasi.

Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, rinoti ranyora tsamba kugurukota rezvevashandi nemabasa Amai sekai Nzenza, richinyunyuta nekudimurwa kwarinoti kwakaitwa mari dzevashandi vehurumende dzemabhonasi.

Hurumende yaburitsa gwaro rinozivisa nezvemazuva achatambirwa mabhonasi aya nevashandi vayo kutanga Chitatu kusvika Chishanu svondo rino, asi ichiti vachapiwa mabhonasi avo pamari dzemihoro yavo yepamwedzi chete, isingasanisiri bhonasi pamari dzekubatsirika.

Sachigaro weApex Council Amai Cecilia Alexander vanoti sevashandi vari kusangana nemusi weChina kuti vataurirane pamusoro penyaya yebhonasi iyi pamwe nekutsvaga nzira yekutora kuenda mberi.

Vanoti vashandi vashungurudzwa zvikuru nedanho rehurumende rekungoita zano ndega isinawo kuvapa mukana wekugara pasi navo kuti vatange vawirirana.

Studio 7 yakundikana kubata Amai Nzenza kuti inzwewo divi rehurumende panyaya iyi.

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG