Zimbabwe neMuvhuro yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rakanangana nekukurudzira kumiswa kwekumbunyikidzwa nekutyorwa kwekodzero dzevatori venhau kana kuti International Day to End Impunity for Crimes Against Journalists.
Vachitaura kumhemberero dzezuva iri dzakaitwa muHarare, gurukota rinoona nezvekubudiswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakati kushungurudzwa kwevatori venhau hakuna kunaka sezvo kuchisvibisa hurumende.
Asi mumwe mutori wenhau, VaFortune Madhuku avo vakashungurudzwa muna 2020 vaenda kumusangano wevatori venhau waive wakokerwa nesangano revadzidzi re Zimbabwe National Students Union, ZINASU kumuzinda weImpala Car rentals vanoti kunyangwe hazvo vakanomhan’ara nyaya yekushungurudzwa kwavo kumapurisa hapana ati asungwa.
Vamwe vanoti vari kushushikana nekushungurudzwa kwevatori venhau ndiVaLeopold Munhende vanoshanda nesangano renhau reNewZimbabwe.com vanoti vakarohwa nemasoja gore rapera vachipomerwa mhosva yekufamba nguva yeCovid-19 curfew kunyangwe mutemo uchiti vatori venhau vanokwanisa kufamba chero nguva.
Mukuru werimwe sangano revatori venhau reMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu vati vari kunetsekana zvikuru kuti pamhosva dzese dzakamhan’arwa nevatori venhau vakashungurudzwa hakuna vakasungwa. VaNyamutumbu vanoti vari kuita hurukuro nebazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko kuti izvi zvisarambe zvichiitika.
Mutungamiriri weZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) VaMichael Chideme vanoti tsvakiridzo yakaitwa nesangano ravo muna Gunyana gore rino yakaburitsa pachena kuti kushungurudzwa nemapurisa ndiko kuri kunyanya kukanganisa vatori venhau kuita basa ravo.
Zuva iri rakatarwa neUnited Nations rinocherechedzwa musi wa2 Mbudzi gore rega rega. United Nations inoti kubva muna 2006 kusvika 2020 vatori venhau vanodarika churu chimwechete nemazana maviri vakaurayiwa uye pane vakaponda ava, vakawanda vacho havana kusungwa.
Facebook Forum