Accessibility links

Breaking News

Vatori Venhau Voburitsirana Makano kuCongress yeZUJ


Kwaita kusawirirana pakati pevatori venhau munyika pamusoro pekusarudzwa kwehutungamiri hutsva hwe Zimbabwe Union of Journalists, kana kuti ZUJ.

Vatori venhau vazhinji vanoti havasi kuziva kuti musangano mukuru weZUJ uri kuitirwa kuBulawayo, uchaitirwa panzvimbo ipi, sezvo hutungamiri huripo, husiri kuda kuburitsa pachena nzvimbo iri kuitirwa musangano wekusarudza nhengo itsva.

Vamwe vatori venhau vari kushoropodza mutungamiri we ZUJ, Va Mathew Takaona, pamusoro pemarongerwo ari kuitwa musangano uyu.

VaTakaona vari kutarisirwa kusiya chigaro chavo pachaitwa sarudzo idzi neChishanu neMugovera. Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaTakaona vava kuda kuti ZUJ itsva ive nenhengo dzavanodyidzana nadzo, kuitira kuti vazoitwa mushandi anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZUJ.

Asi VaTakaona vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti musangano uyu uri kuitwa negwara kwaro.

Zvinonziwo sarudzo dzeZUJ dzichange dzichikokerwa nevaimbove mumiriri weZanu PF mudunhu reMakonde muparamende, Va Kindness Paradza, pamwe nevaimbove mushandi we ZBC, VaTapfuma Machakaire.

Vari kunzi vari kuda kukwikwidza chinzvimbo chaVaTakaona, vanosanganisira mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Godwin Mangudya, munyori mukuru weZUJ, Va Foster Dongozi, pamwe nemutori wenhau weku Zimpapers, Isdore Guvamombe.

Vari kukwikwidza chinzvimbo chebasa ranga richiitwa naVa Dongozi, vanosanganisirawo mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Frank Chikowore nevamwe.

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Conrad Mwanawashe, mumwe weavo vari kudawo kukwikwidza chigaro chemubati wehomwe mutsva muZUJ.

Kunyange hazvo vamwe vari kuda kukwikwidza zvinzvimbo izvi, kusvika pari zvino, vazhinji vavo havasati vaudzwa kuti musangano wekusarudza hutungamiri hutsva uri kuitirwa kupi.

VaMwanawashe vanoti sarudzo dzikaitwa zvinhu zvakaita manyama amire nerongo sezvazviri, vachaenda kumatare kundokwikwidza kuti zvinhu zviitwe patsva zviri pachena.

VaTakaona vanotiwo pane vanhu vari kuda kuvhiringidza musangano wavo, nokudaro havasi kuzosiya musangano uchienda mumaoko evanhu vasiri vatori venhau.

XS
SM
MD
LG