Accessibility links

Breaking News

VaMugabe, VaTsvangirai, naVaMutambara Vanowirirana paMakomishina


Vatungamiri vemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa, vanoti VaRobert Mugabe, veZanu PF, VaMorgan Tsvangirai veMDC, pamwe naVaArthur Mutambara, verimwe bato reMDC, vasangana muHarare kuti vazeye zvawiriranwa munhaurirano kusvika pari zvino.

Zvinonzi vatungamiri ava vawirirana kuti padomwe munhu achazivisa zvawiriranwa, izvo zvinosanganisira makomishina eZimbabwe Media Commission, Human Rights Commission, pamwe nemakomishina eZimbabwe Electoral Commission.

Vatungamiri ava vanonzi vachasangana zvakare nemusi weChitatu svondo rino kuti vazeye zvasarira.

Hurumende iri kutadza kufamba zvakanaka nekuda kwemakakatanwa ari kukonzerwa nekusawirirana pane zvinetswa zvinosanganisira kugadzwa kwemagavhuna ematunhu, kudomwa kwagavhuna webhanga guru renyika, muchuchisi mukuru wehurumende, pamwe nekusagadzwa kwemunyori mukuru weMDC, VaRoy Bennett, semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

Mutauriri wemutungamiri wehurumende,VaMorgan Tsvangirai, VaJames Maridadi, vanoti VaTsvangirai vakurudzirawo kuti vatungamiri vatatu ava vapedze nekukasika zvasarira munhaurirano.

Zvichakadaro, mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti vachaita musangano mukuru mumusha weKuwadzana neChipiri vachizivisa vatsigiri vavo nezviri kuitika muhurumende yemubatanidzwa, uye vachitaura nezvezvimwe zvakanangana nenzvimbo yavanomirira muparamende.

Musangano uyu unonzi uchaitirwa muKuwadzana 2, uye uchapindwa nehutungamiri hwebato iri, uho hunosanganisira VaTsvangirai, mutevedzeri wavo, Muzvare Thokhozani Khupe, munyori mukuru webato, Va Tendai Biti pamwe nedzimwe nhengo dzebato iri.

XS
SM
MD
LG