Accessibility links

Breaking News

VaZuma Votarisirwa Kusangana naVaMugabe kuCopenhagen


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasimuka neMuvhuro muHarare vakananga kuDenmarck, kuCopenhagen kumusangano weUnited Nations Climate Change Conference.

Musangano uyu wakanangana nekuona kuti nyika dzepasi rose hadzisi kuramba dzichisvibisa mweya wekufema pamwe nekuita zvinhu zvisingavhiringidze mamiriro ekunze.

Vari kumusangano uyu, VaMugabe vari kutarisirwa kuita musangano wakakosha parutivi nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, pamusoro pezviri kuitika munhuraurirano dzekupedza gakava riri pakati pavo nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Chipangamazano chaVaZuma munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudza Studio7 kuti vaviri ava vachakurukura nyaya yemamiriro ezvinhu panyaya yenhaurirano.

VaZuma ndivo mutongi gava panyaya yeZimbabwe. Asi panenge pachati netsei nekuti bato reZanu-PF pamusangano waro mukuru weCongress rakati harisi kuzodududza pane zviri kudiwa neMDC kusvika zvirango zvabviswa.

VaMugabe pachavo vakaudzawo VaZuma kuti vamboisa bhora pasi panyaya yeZimbabwe, zvichitevera danho rakatorwa naVaZuma rekuda kuona zvinhu zvichifamba nemazvo kwete zvedambe zviri kuitwa nevakuru munhaurirano.

VaSydney Masamvu vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari chipangamazano mu Crisis Group International kuchamhembe kweAfrica. VaMasamvu vanoti vakaoma musoro muZanu-PF ndivo vari kuda kukanda mafeso munzira yehurumende yemubatanidzwa.

Zvichitevera kuenda kwaVaMugabe kuCopenhagen, dare remakurukota range richifanirwa kugara muHarare neChipiri, harina kusangana. VaMugabe vanoti kana vasipo, hapana musangano wedare remakurukota unoitwa, sezvo vasiri kuda kuti VaTsvangirai vave sachigaro kana ivo vasipo. Nyaya iyi iri kunetsa zvikuru munhaurirano pakati pemapato maviri eMDC neZanu-PF.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vanoti nyaya iyi iri kukurukurwa nezvayo munhaurirano, uye zvose zviri kunetsa panyaya yedare remakurukota, zvichagadziriswa. Asi VaMaridadi havana kuda kutaura kuti kunetsana uku kuchapera riini.

XS
SM
MD
LG