Vamwe vagari vekwaMutoko vakavhiringwa nemhirizhonga yezvematongerwo enyika pamwe nekunyimwa chikafu, mbeu nezvimwe zvekurimisa pazvirongwa zvehurumende, vakaumba sangano iro vanoti richatungamira kuti varipwe pamwe nekuti vasarambe vachishungurudzwa nekuda kwenyaya dzezvematongerwo enyika.
Vagari ava vaudza Studio7 kuti vakaumba sangano rinonzi Zimbabwe Political Victims of Political Persecution zvichitevera musangano wavakaita nekomisheni yehurumende inoona nezverunyararo, runyararo pamwe nekuregererana, yeNational Peace and Healing Commission kana kuti NPRC.
Sachigaro wesangano iri, VaMusekiswa Bhanire, vaudza Studio7 kuti sangano ravo richange richishanda neNPRC mukupedza dambudziko rekushungurudzwa kwevanhu pamwe nekupodza marwadzo eavo vakashungurudzwa.
VaBhanire vaenderera mberi vachiti dambudziko rekushungurudzana nekusarudzana richiri kuenderera mberi uye sangano ravo richange richinyora pasi zvese zviri kuitika pamwe nekuzviendesa kuNPRC kuti izvi zvisarambe zvichiitika.
Imwe nhengo yesangano iri uye vaimbove kanzura weMutoko District Rural Council, VaShame Kativhu, vaudza Studio7 kuti chavanoda chete kuti vakakuvadzwa kana kurasikirwa nezvinhu zvavo varipwe uye kuti pave nekukumbirana ruregerero.
VaKativhu, avo vanove nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, vati vave kuunganidza humbowo hwezvakatika sezvakataurwa neveNPRC uye vane tarisiro yekuti vachakwanisa kugara pasi nevakavatadzira kuti vayanane vachitungamirirwa neveNPRC.
Munyika makaita mhirizhonga inotyisa muna 2008, apo zviuru nezviuru zvevanhu zvakaparadzirwa misha nezvipfuyo pachishandiswa nyaya dzematongerwo enyika.
Mhirizhonga iyi yakaita kuti vaive mutungamiri weMDC, muchakabvu Morgan Tsvangirai, vabude musarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa muna 2008, mushure mekunge VaTsvangirai vakunda vaive mutungamiri weZanu PF panguva iyi, muchakabvu Robert Mugabe, musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa muna Kurume.
Hatina kukwanisa kubata veNPRC kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Asi komisheni iyi iri kukurudzira kuumbwa kwemakomiti erunyararo mumatunhu ese munyika nechinangwa chekuti mhirizhonga kana kushungurudzana kusarambe kuchienderera mberi.
Komisheni iyi yakafambawo mumatunhu ese munyika ichinzwa zvichemo zvevanhu pamwe nepfungwa dzavo pamusoro pekuti zvichemo izvi zvingagadziriswe sei kuti vanhu vakwanise kugarisana murunyararo.
Facebook Forum