Accessibility links

Breaking News

WFP, rinoti richatanga chirongwa chekubatsira vanhu kuti vazvirimire chikafu, kwete kuti vagare vakapihwa chikafu chemahara.


Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose, reWorld Food Program, WFP, rinoti richatanga chirongwa chekubatsira vanhu kuti vazvirimire chikafu, kwete kuti vagare vakapihwa chikafu chemahara.

Mutauriri veWFP, VaPeter Smerdon, vanoti hurongwa uhu huri kuchatanga kana sangano ravo rapedza kuita ongororo yekutsvaga huwandu hwechikafu munyika.

Mashoko aya anobuda zvichitevera gwaro rehurumende recrop and livestock assessment report, iro rinoti munyika hamuna chikafu chakakwana.

VaVincent Gwaradzimba ndivo munyori wezvekurima muMDC inotungmirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVa Gwaradzimba kuti tinzwe maonero avo.

XS
SM
MD
LG