Sangano reWorld Food Program, WFP, rinoti kubva zvaiswa mutemo wekuti munyika munofanirwa kushandiswa mari yemuno, sangano iri riri kunetsekana kubatsira vari kutambura nekuda kwekushomeka kwemari.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, mukuru weWFP muZimbabwe, VaEddie Rowe, vati kushaikwa kwemari uku kwadzorera shure chirongwa chavo chekubatsira nemari vanotambura kuti vakwanise kutenga zvekudya.
VaRowe vati pasi chirongwa chavo cheCash in Transit vane nzvimbo dzanga dzave nenguva yakareba vanhu vasiri kuwana mari sezvo vasisakwanisi kupa vanhu mari yemadhora ekuAmerica sezvinotarisirwa nemutemo.
VaRowe vapa muenzaniso weGokwe North uko vati vanhu vavanobatsira nemari yekuti vatenge zvekudya vakapedzisira kuwana mari iyi muna Nyamavhuvhu wegore rino.
Asi VaRowe vatiwo vakakwanisa kuwana mamiriyoni gumi emari yemuno mushure mekunge sangano ravo ragara pasi nemabhanga ari munyika.
VaRowe vati mari yavakawana nezuro iyi vachaishandisa kunzvimbo dzanga dzave nenguva vanhu veko vasati vawana mari dzakadai seGokwe North nekuChipinge.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, kuti seyi hurumende iri kutadza kubatsira WFP padambudziko rayakatarisana naro.
Asi bazi rezvemari rakazivisa mazuva mashoma apfuura kuti richawedzera mari pamwe chete nekuunza mari ine huremu hwakakura munyika senzira yekugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemari munyika. Asi bazi rezvemari harina kuzivisa kuti izvi zvichaitwa riini.
VaRowe vaudzawo vatapi venhau kuti sangano ravo richange richitsvaga kwekutenga chibage chekubatsira Zimbabwe sezvo kuZambia kwavaimbositenga vari kuchemawo nenyaya yekusanaya kwemvura zvakanaka mwaka wekurima wapera.
WFP inoti inotarisira kuti mwaka uno vamwe vanhu vachawana gohwo riri nani uye vanotarisira kudzika kwevanhu vainobatsira nezvekudya kusvika pamiriupni imwe chete nemazana mashanu ezviuru zvemadhora panosvika kubvumbi wegore rinouya.
WFP inotiwo vanhu vemuZimbabwe vanoda chikafu vanosvika mamimiriyoni manomwe nemazana manomwe ezviuru, asi kusvika pari zvino yawana mari inosvika zvikamu makumi matatu kubva muzana zvemari yairi kuda inosvika 293 million U S Dollars.
WFP inotiwo iri kukurudzira varimi kunzvimbo dzakasiyana-siyana kurima mbeu dzisingadi mvura yakawanda.
Facebook Forum