Vanhu vakawanda vari kuwana zvekudya kuburikidza neWorld Food
Program (WHO) mumadhorobha vanoti mari yavari kupihwa haichakwane
kutenga chikafu chemhuri dzavo sezvo mitengo yacho iri kukwira
zvakanyanya.
Mumwe wevanhu vave kutadza kutenga zvose zvinodikanwa zvekudya kuti
mhuri yavo ine vanhu vashanu irarame kwemwedzi wose ndiVaLloyd Mbirimi vekuAlaska.
VaMbirimi vanoti pavakatanga kupihwa mari gore rapera yaikwana asi
nekuda kwekukwira kwemitengo yezvinhu vave kutenga zvinhu zvishoma
zvichienzaniswa negore rapera sezvo mari isina kuwedzerwa.
VaMbirimi vanoti nekuda kwekukwira kuri kuita mitengo yezvekudya vave
kutenga muzvitoro zvinotengesa nemitengo yakaderera zvakaita seMetro Peech neN.Richards sezvo zvitoro zvakaitaseOK, TM nezvimwe zvidiki zvave kudhura zvakanyanya.
Izvi zvinotsigirwa naAmai Grace Mutsokote avo vanoti chimwe chinoita
kuti vanotenga kuzvitoro zvikuru mutengo wemari yekuAmerica yakakwira
kudarika zvitoro zvidiki.
Dambudziko revanhu vari kupihwa zvekudya neWFP rinonzi ratekeshera
nyika yose sezvo vamwe vekuMasvingo vachiti vari kusangana
nedambudziko rimwe chete rekudhura kwezvinhu.
Amai Nyadzisai Chaitezvi, avo vanogara mumusha weveruzhinji weMucheke kuMasvingo, vanotiwo vave kuita mitsetse yakakura muzvitoro zvikuru sezvo vachipihwa mazuva maviri kuti vatenge zvekudya.
Vanhu vakasatenga zvekudya mumazuva avanenge vataurirwa panoiswa
chiziviso mumbozhanhare kuti mari yavo yave mukadhi haazokwanise
kutenga rimwe zuva.
Mukuru wezvekufambiswa kwemabasa muWFP muZimbabwe, VaNiels Balzer, vati vari kuona kukwira kuri kuita mitengo yezhinhu munyika yose.
Asi vati vakawedzera mari zvinoreva kuti vachadzikisa huwandu hwevanhu vari kupihwa ruyamuro rwezvekudya.
Asi VaBalzer vavimbisa kuti vachakwidza mari dzinopihwa vanhu mumwedzi waChikumi.
VaBalzer vatiwo vari kupa vanhu mazuva matatu kusvika pamazuva mashanu kuti vatenge chikafu pamazuva akasiyana siyana senzira yekuti
vasaungane sezvinodiwa kuderedza mikana yekutapurirana chirwere
cheCovid-19.
WFP iri kupa madhora gumi nemaviri ekuAmerica pamunhu kumhuri dzinenge dzakaonekwa kuti hadzichagona kuzviriritira mumadhorobha.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda neLabor and Economic Development Researh Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti mari iri kubatsirwa vanhu neWFP, haisi yekuti vanhu vagare sembozha, sezvo iri yekuti vanhu vawane chikafu chete.
Pakatanga chirongwa ichi, WFP yaipa vanhu vanosvika mazana mananemakumi mashanu ezviuru, 450 000.
Asi mugwaro rayo rakabuda mwedzi uno, WFP inoti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana vave kuda rubatsro rwechikafu mumadhorobha.
Facebook Forum