Accessibility links

Breaking News

WFP Yotarisira Kupa Vanhu Zviuru Mazana Mashanu Chikafu Mumadhorobha


Bazi reUnited Nations rinoona nezvekubatsira vanhu nezvekudya reWorld Food Program kana kuti WFP rinoti richawedzera huwandu hwevanhu variri kupa rubatsiro rwezvekudya muvagari vemumaguta kubva pazviuru mazana matatu nemakumi maviri kana kuti 320 000 kusvika pachidimbu chemiriyoni kana kuti 500 000 kutanga kwegore rinouya.

Vachitaura pakushanya kwavo muChinhoyi nemusi weChipiri, mutauriri weWFP Muzvare Claire Nevill vakati kunyange paine vanhu vanosvika mamiriyoni matatu nechidimbu vanoda ruyamuro rwechikafu parizvino, sangano ravo riri kukwanisa kupa vanhu zviuru mazana matatu zvine makumi maviri kana kuti 320 000 chete.

Asi Muzvare Nevill vanoti vanotarisira kuwedzera huwandu uhu mukutanga kwegore rinouya.

Muzvare Nevill vanoti vane chivimbo chekuti masangano ari kuvapa mari akaita seUSAID, UKSAID neEuropean Union acharamba achivapa mari kuti vaenderere mberi nekuyamura vanhu vari kutambura nenzara mumadhorobha.

Vanotiwo dambudziko rekushaya zvekudya rakanyanya kukonzerwa nechirwere cheCovid-19 icho chaka tadzisa vanhu kuti vaite mabasa anovararamisa sezvo vakanzi vagare mudzimba kwenguva yakareba.

Mudzviti wedunhu reMakonde VaBenjamin Zivanai vanoti vari kutenda zvikuru nebasa riri kuitwa neWFP asi vakurudzira sangano iri kuti ripe vanhu vari kumamisha chikafu chakawanda sezvo vachiti vakawanda vatarisana nenzara inotyisa.

Asi mumwe mudzimai ari kuwana zvekudya pasi pechirongwa cheWFP muChinhoyi Amai Grace Mazungwane vanoti mumadhorobha zvinhu zvakaoma zvakanyanya zvichikonzerwa nechirwere cheCovid-19.

Zvitoro zviri kutengwa zvekudya nevanhu vari kupihwa ruyamuro neWFP zvakaita seOK. TM, Metro Peech neN. Richards zviri kufara kuti bhizinisi ravo riri kuwanda zvikuru nguva dzinopihwa vanhu ava mari kupera kwemwedzi.
Munhu memwechete ari kupihwa mari inoita madhora gumi nemaviri.

Maneja weMetro Peech Amai Sunungurai Magwete vanoti vari kutengerwa zvakapetwa kaviri nguva inopihwa vanhu ava mari dzavo.

Vanhu vanosvika zviuru makumi maviri nezvitanhatu zvinemazana manomwe nemakumi mana kana kuti 26 740 kubva mumawadhi gumi vari kuwana ruyamuro rwezvekudya muChinhoyi.

WFP inoti muZimbabwe yose mune vanhu vanodarika mamiriyoni masere kana kuti 8 million vanoda rubatsiro rwechikafu.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG