Nhasi tiri kuparura chirongwa chiri kutarisa nyaya yenzara iyo yapfunya chisero kuti bwa munyika. Ko chii chakonzera nzara iyi, uye inganzi here yasvika panganzi hapana mukare akamboona zvakadai?
Sangano reWorld Food Programe rakabatana neZimvac anoti vanhu vanoda kusvika mamiriyoni masere vakatarisana nenzara inotyisa muZimbawe.
Ukuwo bazi reUnited Nations rinoona nezvevana reUnicerf nereZimbabwe National Statistics Agency akaburitsawo gwaro rinoratidza kuti vana vanodarika zvikamu makumi manomwe kubva muzana vakatarisana nenzara, vana vari kumaruwa vanodarika makumi manomwe nematanhatu kubva muzana havana chekudya.
Nzvimbo dzine vana vakatarisana nedambudziko iri kunyanya iMashonaland Central, Manicaland neMatabeleland North.
Tichitarisa mamiriro ezvinhu aya, Zimbabwe haisati yasvika here pekuti vanhu vakawanda vanogona kufa kana kuti inganzi famine? Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muWFP kuchamhembe kweAfrica VaGerald Bourke vanoti nyaya yechikafu ikasagadziriswa nechimbi chimbi vanhu vanoenda kwamupfiganebwe.
Nyanzvi munyaya dzezvekudya dzinoti kusamira zvakanaka kwekunze uye kutadza kutungamira ndizvo zvinokonzera kuti vanhu vafe nenzara pasi rose. Vakanzvera magwaro enhoroondo vanoti nzara yekutanga pasi rose yakauraya vanhu vakawanda yakanyorwa munhoroondo yakatanga kuRome muna 441 BC.
Dzimwe nyika dzakaita nzara dzakauraya vakawanda dzinosanganisira North Korea kubva muna 1994 kusvika 1998 apo vanhu mamiriyoni matatu vakafa. Kubva muna 1932 kusvika 1933 vanhu mamiriyoni gumi vakafa muSoviet Union.
KuChina panzara inonzi Great Chinese famine yekubva muna 1959 kusvika 1962 vanhu mamiriyoni makumi mana nevashanu vakafa zvose izvi zvichikonzerwa nemitemo yehurumende yekutora minda ichiisa pasi payo uye mafashamu emvura. Dambudziko remamiriro ekunze rinonzi El Nino, rakauraya vanhu mamiriyoni gumi nemumwe kuIndia kumakore ekuma1783.
MuZimbabwe chiri kupa kuti zvinhu zvinyanye kuita mhidigari inyaya yekuti hupfumi hwenyika haunawo kumira zvakanaka.
WFP inombopa vanhu mari yekugayisa chibage, asi mukuru weWFP muZimbabwe VaEddie Rowe vanoti vakaregedza kupa vakawanda mari nekuda kwekushaya mari kubva kuReserve Bank of Zimbabwe.
Mamwe masangano amira kupa rubatsiro rwemari anoti Red Cross uye Catholic Agency for Overseas Development. Asi gurukota rezvevashandi nemagariro akanaka evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hurumende ichiri kubatsira nemari.
Mukuru weRed Cross kuchamhembe kweAfrica Doctor Michael Charles vanoti vanhu mamiriyoni makumi mana nemashanu vakatarisana nenzara kunyika dzekuchamhembe kweAfrica kusvika muna Kubvumbi zvinonzi naVaBourke zvinonetsa kutsvaga mari yekubatsira Zimbabwe.
Hurumende inenge isiri kuziva pfumo roibaya. Mamwe makurukota anoti iri mugwara uye hapana anofa nenzara. Asi svondo rapera gurukota rezvekurima VaPerrance Shiri vakati nyika yasarwa nematani zviuru zana chete echibage mudura kwete miriyoni yematani iri kutarisirwa.
Chibage chasara ichi hachipedze mwedzi. WFP inotiwo Zimbabwe iri kungoti yakagadzirira asi hapana chiri kubuda. Gore rapera WFP yakati Zimbababwe yainge iri kukundikana kupa vanhu mamiriyoni matatu chikafu sezvayainge yavimbisa kunyangwe VaMavima vakaramba mashoko aya.
Gurukota rezvemaIndustry Doctor Sekai Nzenza vanoti hurumende iri kubatsira kuti mutengo wehupfu hudzike kunyangwe hazvo vamwe vari kuti hapana chachinja.
Sangano reIntergovermental Panel on Climate Change rinoti nyika dzekuchamhembe kweAfrica dziri kuchinja mamiriro ekunze kuchipisa zvakapetwa kaviri zvichienzaniswa nedzimwe nyika pasi rose. VaBourke vanotenderana nemaonero aya.
WFP inoti inombotenga chibage kuZambia, asi chinorwadza ndechekuti varimi vakawanda vari kurima chibage chave kutengeserwa Zimbabwe nenyika iyi vakadzingwa muZimbabwe pahondo yeminda. Asi nekuda kwekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka, VaBourke vanoti vave kutenga chibage kuUkraine neMexico nedzimwe nyika.
VaMavima vanoti Zimbabwe yakapihwawo mupunga neChina uyo uri kupihwa vanhu.
VaRowe vanotiwo Zimbabwe haidi chikafu chakarimwa nemishonga kana kuti genetically modified zvopa kuti kutenga chigagekunyika dzakaita seSouth Africa kunetse.
WFP inoti kubva pakati paZvita yange yapa vanhu mamiriyoni maviri chikafu asi kubva muna Ndira muno kusvika muna Kubvumbi iri kutarisira kupa vanhu vanodarika mamiriyoni mana. Asi havasati vawana chikafu chekupa vanhu muna Ndira zvichienda kumberi.
Kunze kwekuyaura kwevanhu, nzara iyi yauraya mhuka dzemusango nezvipfuyo zvakawanda. Nzou dzinodarika zana dzakafa nekushaya zvekudya uye kushaikwa kwemvura sematauririo emutauriri weZimparks VaTinashe Farawo muna Zvita apo mvura yairambira mudenga.
Sangano reFamine Early Warning System riri kuyambira kuti nzvimbo dzakawanda munyika dzicharamba dzakatarisana nedambudziko rechikafu iri zvichikonzerwa nekusanaya kwemvura uye kushaya zvikwanisiro kwevarimi.
Hurumende yakatenderawo vanoga chibage kuti vatenge chibage kunze uye Grain Millers Association inoti nhengo dzayo dzakwanisa kutenga matani zviuru zana ichit pamwedzi panodiwa matani zviuru makumi masere.
Kare vanasorojena vaye varere muhapwa dzemakomo vaiti kana mvura yarambira mudenga vaiita mukwerera. Vamwe vaienda kumakomo ekuMatobo kuBulawayo panzvimbo inoyera yeNjelele, vachibva kumativi mana enyika kunokumbira mvura.
Apa vanhu vaibika doro rezviyo voteterera kuna Marwi, Mlimo, Musiki kana kuti Nyadenga kuti mvura inaye. Pakauya vasina mabvi nebhaibheri vaye vevhangeri vanoti zvichida nyika yave kusvika kumagumo nekuti zvivi zvanyanya.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzemamiriro ekunze dzinotiwo zviri kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.
Vamwe vanoti kutadza kutonga kwehurumende kuri kusiya vanhu vakagarira mapadza mushure mekutora mapurazi uye kusavaka madhamu nekutsvaga nzira dzechizvino zvino dzekurima kwapa kuti nyika iite seyakageza negoka munyama.
Aiwaka, pose pafa munhu hapashaike muroyi. Idzi ndidzo dzimwe nyaya dzinenge dziri mudariro muhurukuro yedu iri kutarisa chaunza nzara mumusha nezvidoda kuitwa kugadzirisa dambudziko iri.
Facebook Forum