Accessibility links

Breaking News

WHO Inoti Zimbabwe Iri paNyika Shoma dzemuAfrica Dzabaya Vanhu Vakawanda Nhomba yeCovid-19


World Health Organization kana kuti WHO inoti Zimbabwe imwe yenyika gumi nenhatu chete muAfrica dzakwanisa kubaya zvizvarwa zvadzo zvinosvika zvikamu gumi kubva muzana mwedzi uno usati wapera sedonzvo resangano iri.

Kusvika neMugovera Zimbabwe yanga yabaya nhomba vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nezviuru makumi mashanu kana kuti 2.05 million, zvinove zvikamu gumi nezvitatu kubva muzana kana kuti 13.67 percent.

Mukuru anoona nezvekurwisa Covid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vanoti vane manyukunyuku kunzwa kuti Zimbabwe ndeimwe nyika yazadzikisa zviri kutarisirwa.

Dr Mahomva vanoti havasi kumirira pakudarika zvikamu gumi kubva muzana asi kusvika pakubaya vanhu zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kana kuti vanhu mamiriyoni gumi senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Amai Mahomva vanoti izvi zvakakwanisika nekuda kwehurumende yakazvipira kuunza nhomba dzakawanda munyika pamwe nekudzidzisa vanhu zvakanakira kubayiwa nhomba.

Mumwe chiremba anoshanda akazvimiriri uye ari mumiriri weChinhoyi muparamende Dr Peter Matarutse vebato reMDC Alliance vanoti senyika Zimbabwe inogona kuwedzera huwandu hwevanhu vari kubayiwa nhomba kana vana vechikoro vakabaiwa nhomba sezvo vari panjodzi huru muzvikoro.

Dzimwe nyika dzabaya nhomba kudarika Zimbabwe dzinosanganisira Seychelles iyo iri pamusoro, ichiteverwa neMauritius, Morocco, Tunisia, Comoros, Cape Verde, Eswatin neLesotho.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weSvondo kuti vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere kubva zvachatanga kupararira pazviuru zvina nemazana mashanu anemakumi matanhatu nezvinomwe kana kuti 4, 567.

Vamwe vanhu zana nemakumi mapfumbamwe nevapfumbamwe vakabatwawo nechirwere ichi zvasvitsa vanhu hwevabatwa nechirwere ichi pazviuru zana nemakumi maviri nezvisere nemazana mapfumbamwe ane makumi matatu nezvisere, 128 938.

Kusvika pakupera kwezuva neSvondo, vanhu vabayiwa nhomba yekutanga yekudzivirira chirwere cheCovid-19 vanga vave mamiriyoni maviri ane zviuru mazana mapfumbamwe nemakumi mana nezvipfumbamwe zvine makumi maviri nevashanu, 2, 949,025.

Vabayiwa nhomba dzose mbiri vave mariyoni maviri ane zviuru makumi matanhatu nezvishanu zvine mazana matatu anemakumi mapfumbamwe nemashanu, 2, 065,395.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuitira kuti chirwere ichii chisarambe chichipararira munyika.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG