Mukuru weZimbabwe Citizens Forum, uye vari mutsigiri veZanu PF, VaAlex Gakanje Kandishaya, vanoti vachange vachishanyira mahofisi nedzimwe nzvimbo dzinoitirwa misangano yavati yekutengesa nyika nevari mumapato anopikisa.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi muHarare, VaKandishaya vapomera matambudziko ese ari kusanganiwa nawo munyika kune vavati vatengesi vanotsvaka kuti nyika dzekumavirira dzigare dzichisHora nekusada kubatsira Zimbabwe.
VaKandishaya vati ivo nevamwe vechidiki vachange vachishanyira mahofisi aya nedzimwe nzvimbo kwavanoti kune honzeri dziri kuita kuti hupfumi hwenyika hurambe huchidonha pasi pechirongwa chavari kudana kuti, “Emotional Tour.”
Vatiwo vachange vachishanyira mahofisi emumwe wevatevedzeri wemutungamiri webato idzva reCitizens Coalition for Change, VaTendai Biti.
Vachibvunzwa neStudio7 kuti chinangwa chavo chinenge chiri chei, VaKandishaya vati izvi vari kuzviitira kuti varatidze vechidiki kuti matambudziko avo ari kubva kupi.
VaKandishaya vati vataura nemapurisa vakatiwo nzendo dzavo idzo vati vachaita mumaguta akasiyana siyanadzinenge dziri dzedzidzo nekudaro hazvinei nekuwana mvumo kubva kumapurisa.
Asi VaBiti vati zviri kuda kuitwa izvi hazvisi zvitsva vachiti VaKandishaya ndizvo zvavanogaroita zvekushanyira mahofisi avo kunoita mhirizhonga.
VaBiti vati zviri kuitwa izvi runongova ruvengo kwavari pamwe nebato ravo.
VaBiti vatiwo chinangwa chikuru ndechekuvatyityidzira nekutyityidzira bato reCitizens Coalition for Change asi vati izvi hazvisi kuzoitika.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano re Platform for Youth Development, VaOwen Dhliwayo, vashora mashoko aVaKandishaya.
VaDhliwayo vatiwo zviri kurongwa naVaKandishaya zvinotyora mitemo yenyika pamwe nekutyora kodzero dzevamwe vanhu.
Tsvakurudzo yakabudiswa neTransparency International svondo rapera inoratidza huori ndihwo huri kuvhiringa zvakanyanya hupfumi hwenyika.
Facebook Forum