Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoti Mapepanhau Ndiwo Kunetsana Kwayo


Zanu PF Youths
Zanu PF Youths

Boka revechidiki mu Zanu PF rashoropodza vatori venhau nekunyora kwavari kuita kurwisana kwezvikwata zveZanu PF zviri kurwira masimba.

Boka revechidiki mu Zanu PF rashoropodza vatori venhau nekunyora kwavari kuita kurwisana kwezvikwata zveZanu PF zviri kurwira masimba.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato reZanu PF mu Harare neChishanu, munyori mukuru muboka revechidiki mubato iri, Va Pupurai Togarepi, vashora vatori venhau nekunyora kwavari kuitika zviri kuita muZanu PF panyaya dzekurwira masimba kuri kuitwa nechikwata mubato iri.

Kurwisana uku kuri pakati pechikwata che Generation 40, G40, chinonzi chinotungamirwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, pamwe nechikwata che Team Lacoste chinonzi chiri kutungamirwa nemutevedzeri wemutumngamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa.

MuZanu PF muri kuitwa bvondawaponda matambiro ezvidhakwa vanhu vachirwidzana masimba zvasiya bato iri raita zinyekenyeke.

Asi Va Togarepi vanoti bato ravo rakasungana seutare vachiti vatori venhau ndivo vari kukuchidzira moto nepeturu.

Mashoko aVa Togarepi aya anouyawo apo mutevedzeri wavo, Va Kudzai Chipanga, vakatyisidzira kuti vacaharatidzira pamahofisi ebepanhau rehurumende reHerald pamusoro pekunyorwa kuri kuitwa katatsurana kuri muZanu PF pari zvino.

Zvichakadai, vatori venhau vakawanda vanoti mashoko eboka re Zanu PF Youth League aya anokanganisa mashandiro evatori venhau munyika.

Mupepeti webepanhau re The Observer, Va Barnabas Thondlana, vati vatori venhau vanofanira kushanda vasingatye vachiti veruzhinji vane kodzero yekuziva zviri kuitika mubato riri kutonga sezvo hupenyu hwavo huri mumawoko ebato riri kutonga pari zvino.

Va Togarepi vaenderera mberi vachiti hurongwa hwemhemberero dzekucherechedza kusvitsa makore makumi mapfumbabwe nemaviri kuchaitwa nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, neSvondo, hwave pachinhanho chepamusoro.

Vati hurongwa uhwu huchaitirwa pachisvingo cheZimbabwe pa Great Zimbabwe mudunhu reMasvingo.

VaTogarepi varamba mashoko ekuti bato ravo riri kumanikidza veruzhinji kuti vabhadhare mari yebhavhadhe raVaMugabe .

Vaenderera mberi vachiti bhavhadhe raVa Mugabe iri harinei nenyaya yenzara yakatarisana nevanhu mudunhu reMasvingo.

Mashoko aVaTogarepi anouya apo vamwe vagari vemudunhu reMasvingo vakatarisana nenzara vachiti dai mari inoita zviuru mazana masere zvemadhora ichashandiswa pabhavhadhe iri yashandiswa kutenga chikafu cheveruzhinji avo vakatarisana nenzara.

Va Mugabe vanonzi vakanzura ma interview avanonzoita makore ese neZBC pamwe nemapapepa ehurumende pamberi pebhavhadhe ravo vachinzi vane misangano yakakosha iri kuvatadzisa kuita ma interview aya.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika muZanu PF vanoti VaMugabe vari kutora nguva yakawanda vachiedza kugadzirisa bvondawaponda riri mubato ravo.

Zvichakadai, chimwe chikwata chevaimbova varwi muhondo yerusunguko kana kuti ma war vets nhasi chaita musangano mu Harare pa IT Centre zvichitevera kudashurwa kwakaitwa ma war vets aya nemapurisa nezuro vachinzi vakanga vasina mvumo yekuita musangano.

Pataenda pamhepo, munyori mukuru musangano rechikwata chema war vets anotungamirirwa naVaChris Mutsvangwa, Va Victor Matemadanda, vati vanga vachiri mumusangano uye hatina kuziva zvabuda mumusangano uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG