Zanu-PF inonzi yave kurova nhendeshure panyaya dzekutongera vanhu rufu, kuendesa masimba kumatunhu, uye kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvitenderwe kuva zvizvarwa zvedzimwe nyika.
Vari mukomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC, vanoti vange vatenderana kuti vanhu vasatongerwe rufu uye kuti matunhu apihwe masimba. Vanotiwo vanga vawirirana kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvipihwe mvumo yekuva zvizvarwa zvedzimwe nyika, asi Zanu-PF yave kutsika madziro.
Nyaya yekuda kutongera vanhu rufu iri kuuya kunyange hazvo vatongi vematare vari kuti zvekutongera vanhu rufu hazvisi kushanda nekuti nyaya dzekuponda vanhu dziri kukwira gore negore.
Hatina kukwanisa kutaura nemumwe wemasachigaro anomirira Zanu PF muCOPAC, VaMunyaradzi Paul Mangwana, avo vati vari mumusangano.
Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora veMDC-T vabvuma kuti nyaya idzi dzave kunetsa zvekare.
Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti zviri kuitwa nemapato ari muCOPAC zvekugara pasi vosarudza zvekuisa mubumbiro remitemo riri kunyorwa, zvinozvidza pfungwa dzavanhu vakaudzwa kuti chirongwa ichi ndechekutora pfungwa dzevanhu kuti dziiswe mubumbiro idzva.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaJeremiah Bamu, avo vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti Zanu-PF haidi kuremekedza kodzero dzevanhu.