Kanzuru yepamusoro soro yesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, yasangana muHarare neMugovera ichizeya mamiriro akaita zvinhu munyika, zvikuru nyaya dzinobata vashandi.
Musangano weZCTU General Council waitwa zvichitevera kunetsana kuri kuitika pakati pehurumende nesangano revashandi iri, iro riri kuti hurumende haisi kuzadzisa zvinhu zvinenge zvatenderanwa kumusangano weTripartite Negotiating Forum, TNF.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti musangano wavo wabuda nezvisungo zvekuti vatore uye kuzadzisa mukurwira kodzero dzemushandi.
VaMoyo vati sezvo hurumende iri kuratidza kusavimbika, vashandi vachashandisa kodzero dzavo dzekuramwa mabasa kana zvichemo zvavo zvisina kugadziriswa.
Asi VaMoyo vati vacharamba vachipinda mumisangano yeTNF sezvo hurongwa hwenhaurirano idzi huchitsigirwa nemutemo.
Asi vati havasi kuzosiya kodzero dzavo dzichidzvanyirirwa sezvo paine mitemo inochengetedza kodzero dzemushandi wese iyo vachashandisa mukuita zvinodiwa nekodzero dzevashandi.
VaMoyo vati hurumende ine mari inokwanisa kugadzirisa zviri kunetsa munyika, asi mari idzi hadzisi kushandiswa nenzira kwayo.
Studio7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi nemabasa, Amai Sekai Nzenza, sezvo nharembozha dzanga dzichinetsa kubatika.
Asi muhurukuro yavakaita neStudio7 svondo rapera, Amai Nzenza vakati vacharamba vachiita nhaurirano nevashandi kudzamara pawanikwa wirirano.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika zvichitevera kuparara kwaita hupfumi hwenyika izvo zvasiya makambani akawanda avharwa.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti vanhu vasina mabasa muZimbabwe vava kusvika pazvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana.
Zvinhu zviri kuramba zvichikwira mitengo yazvo, magetsi achiwanikwa kwenguva shoma munguva dzemanheru.
Facebook Forum