Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Zanu-PF neMDC Ndidzo Dzine Simba Rekutara Zuva reSarudzo


Sachigaro weZimbabwe Election Commission, Justice Simpson Mutambanengwe, vanoti vari mubishi kuyedza kugadzirisa gwaro rekuvhota kana kuti voters roll nezvimwe kuitira kuti paitwe sarudzo dzakachena chero padzinenge dzanzi dziitwe nehurumende.

Asi vati mari iri kudiwa pahurongwa uhu yakawanda zvikuru. VaMutambanengwe vaudza Studio7 kuti hurongwa hwekuti sarudzo dzingaitwe riini huri kune vezvematongerwo enyika. Vatiwo vanotarisira kuti sarudzo dziitwe kana COPAC yapedza kugadzira bumbiro remitemo sezviri muGlobal Political Agreement.

VaMutambanengwe varamba mashoko ekuti vari kuti ivo gore rinouya hakufanire kuitwa sarudzo. Kunyange paine zvimhingamupinyi izvi.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vati sarudzo dzinofanira kuitwa gore rinouya.

Mukuru weZimbabwe Election Support Network, Amai Rindai Chipfunde Vava, vanoti hurumende ngaipe ZEC mari kwete kungoti sarudzo dziitwe pasina zvavandudzwa.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, VaJohn Makumbe, vanotiwo kuita sarudzo nguva ino kupedza nguva sezvo zvinhu zvisina kunyatsomira zvakanaka muhurumende.

Mumwe wevatevedzeri vaVaTsvangirai muhurumende, VaArthur Mutambara, vanoti nguva yekuti sarudzo dziitwe haisati yakwana.

Asi nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti VaMutambara vari kutya kupinda musarudzo nokuti ndiko kunobva kwava kupera kwebasa ravo muhurumende, sezvo vasina vanhu vanovavhotera kuitira kuti vawane chigaro muparamende.

XS
SM
MD
LG