Mamwe mapato anopikisa anoti ari kufara zvikuru nechirongwa chiri kuda kushandiswa nekomisheni inoona nezvesarudzo muZimbabwe chekuti vanhu vavhote mushure mekunyoresa mugwaro revavhoti rechizvino zvino, kana kuti biometric voter’s registration.
Munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo ranga rava nemakore akawanda richirwira kuti sangano reZimbabwe Electoral Commision, ZEC, rishandise biometric voter registration musarudzo.
"Isu seMDC tagara tichingoti tinoda voter registration ye biometric. Zvazvinoreva ndezvekuti vanhu vanosevenzesa zvigunwe zvavo nekuti zviripo ndezvekuti pakusikwa panoitwa munhu naMwari hapana munhu pamaline aya epachigunwe akafanana neeumwe munhu," vanodaro VaMwonzora.
VaMwonzora vakurudzira kuti ZEC haifanirwi kungoshandisa nzira iyi pakunyoresa kuvhota asi kuti ienderere mberi nekushandisa hurongwa uhu kunyange pakuvhota vakati izvi zvinogona kubatsira kuti sarudzo muZimbabwe dzisabiririrwe.
Vati sebato zvinovafadza nekuti kuchinjwa kwekunyoresa kuvhota kunoreva gwaro revavhoti idzva.
"Chatinoda ndechekuti kana munhu achinge aonekwa kuti muvhoti tichisevenzesa chigunwe chake anofanira kubva angovhota achisevenzesa chigunwe ichocho pasina zvekuti yatingati manual yekuti panozotariswa tariswa zvakare pachisevenzeswa maballot papers," VaMwonzora vanowedzera.
Mutauriri webato re People's Democratic Party, VaJacob Mafume, vatsigirawo vachiti kushandiswa kwenzira iyimukunyoresa kuvhota ndezvimwe zvingabatsira kuti Zimbabwe iite sarudzo dzisina bopoto.
"Nyaya yebiometric voters’ roll inyaya yatabvirirra kutaura. Biometric zvinongoreva kuti picture yako, finger print yako, kana eye print yako kana DNA yako inenge yavapo pa voters’ roll saka ukaenda ipapo unokwanisa kuonekwa kuti ndiwe. Izvi zvinotibetsera kuti tizive kuti nanga nananga vavhota, vanodaro VaMafume.
VaMafume vatiwo sangano reZEC harifanirwi kugumira kunyoresa vavhoti vachishandisa pabiometric asi kuita zvimwe zvinoita kuti sarudzo dzisabirirwe.
Mukuru wesangano rakazvimirira rinoongorora nyaya dzesarudzo reZimbabwe Election Resource Center, VaTawanda Chimhini, varumbidzawo chirongwa ichi vakati zvinoita kuti veruzhinji rwudzorerwe vimbo munyaya dzesarudzo.
Asi vati ichi chingorichikamu chezvimwe zvezvinhu zvinoita kuti sarudzo dzive dzakachena.
Sarudzo dzemuZimbabwe dzinogara dzakaita mutauro vamwe vachiti gwaro revavhoti harina kumira zvakanaka, vamwe vachiti riri kushandiswa nehurumende mukubiridzira sarudzo.