Vanhu vakawanda vanoti havasi kufara nekubviswa kwavakaitwa neZimbabwe Electoral Commission, Zec,pamazita evanhu vachakwikwidza musarudzo zvichitevera kunyoresa kwavakaita kuNomination Court mwedzi wapfuura.
Mumwe wevanhu ava ndiVaJustin Makota veMDC Alliance vekuMasvingo South, avo vanoti vashamiswa nezvaitika sezvo vakamboona zita ravo mugwaro reGovernment Gazette raive namazita evanhu vachakwikwidza musarudzo.
VaMakota vanoti Zec yatambira chichemo chavo uye vanovimba kuti chichagadziriswa. Vatiwo vachapihwa mukana wekuona kuti zita ravo rinenge riripo panodhindwa mapepa ekuvhotera ekuMasvingo South.
Mutauriri weMultiracial Christian Democracts rinove bato riri kumirira MDC Alliance kuGutu Central, VaSebastian Mubvumbi, vanoti vashamisikawo kuti chiziviso cheZec chekuti nhengo yavo, VaEnerst Madingo, vabuda musarudzo.
VaMubvumbi vati VaMadingo vachakwikwidza musarudzo, uye vachagadzirisa nyaya iyi neZec nekukasika.
Vazhinji vanonzi neZec vabuda musarudzo inhengo dzeMDC Alliance dzakaita saVaClifford Nhamburo kuGoromonzi West, VaKnowledge Mupini Gutu West naVaWilliam Zivengwa kuZaka West, kusanganisira vamwe vanhu vange vakazvimirira asi vachibva kumapato akasiyana siyana.
Hatina kukwanisa kutaura nemukuru anoona nezvesarudzo muZec, VaUtoile Silaigwana, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
MDC Alliance ine nhengo mbiri mbiri kana kudarika munzvimbo dzakawanda nekuda kwekusawirirana mumubatanidzwa uyu.
Mutauriri weMDC Alliance, Professor Welsham Ncube, vaudza Studio7 kuti musangano wevatungamiri weAlliance waita chisungo nhasi chekuti vese vakaisa magwaro avo zviri kunze kwechibvumirano cheAlliance vanofanira kutsigira vanhu vari kutsigirwa neAlliance.
Zvichakadai, Zec yazivisawo kuti pane mazita evanhu vakawanda chose vachachakwikwidza musarudzo vakasiiwa mugwaro reGovernment Gazette revanhu vachakwikwidza.
Vanhu ava vanosanganisira VaStarman Chamisa vachamirira MDC Alliance kuMbare, VaSlyvester Nguni vachazvimirira kuMhondoro Mubaira naVaTapera Simon vachamirira People’s Rainbow Coalition kuMhondoro –Ngezi.
Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vati kuita kweZec kunoita kuti vanhu varambe vachinyunyuta nemafambisirwo esarudzo.
VaMadhuku vati Zec inofanira kuita basa rayo nemazvo kuitira kuti vanhu vavimbe nezvichabuda musarudzo dzichaitwa kupera kwemwedzi uno.
Facebook Forum