Sangano rinoona nezvesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission ratanga chirongwa chekunyoresa vavhoti munharaunda dzavagere.
Ongororo yakaitwa neStudio 7 inoratidza kuti vanhu vashoma ndivo vange vachinyoresa kuvhota.
Pakashanyirwa imwe yenzvimbo dziri kunyoresa vavhoti neStudio 7 paTown House muHarare kwemaawa maviri hakuna akanyoresa kuvhota uye munhu mumwe akuya akanga achida kutarisa kuti zita rakerange richiri mugwaro revavhoti.
Mumwe wevechidiki akanyoresa kuvhota akangoda kuzivikanwa nekuti Rumbidzai ati zvamuitira nyore chose kunyoresa sezvo awana pasina vanhu.
VaTawanda Magunje vakatiwo vaenda kunonyoresa kumusha weHighfield mushure mekunge vapihwa dzidziso nebato ravo reZanu PF.
Mumwe anorarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa asina kuda kudomwa nezita akatiwo haana chaange arikuziva nezvenyaya yechirongwa cheZEC chekufamba kunzvimbo dzinowanda vanhu vachinyoresa vavhoti.
ZEC iri kuita chirongwa chekunyoresa kuvhota ichi nyika yese kusvika musi wa28 Kukadzi.
Harare nemusi weChipiri yainge iine nzvimbo dzekunyoresa makumi matatu neimwe.
Amai Fiona Kurima vanove mukuru weZEC mudunhu reHarare vakaudza Studio 7 kuti kunyangwe hazvo vange vasina huwandu hwevakanyoresa, pazuva rekutanga kazhinni, vashoma ndivo vanoenda kunonyoresa.
Vakatiwo ZEC yakatanga kudzidzisa vanhu nezvekuuya kwechirongwa ichi muHarare nemusi wa30 Ndira.
Vakatiwo chirongwa ichi ndechekungonyoresa kuvhota pamwe neavo vanoda kuchinja kwekuvhotera uye havasi kubatsira vanoda kutarisa mazita avo kuti arimo here mugwaro revavhoti.
Vatiwo veZEC vachange vachifamba nzvimbo dzakasiya siyana pamazuva akatarwa aya.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZEC Amai Leticia Kazembe kuti tinzwe huwandu hwevanyoresa kuvhota muzuva rekutanga.
Asi ZEC inoti vari kunyoresa ava havakwanisi kuvhota musarudzo dzemaby-elections muna Kurume asi vanokwanisa kuvhita muna 2023.
Facebook Forum