Accessibility links

Breaking News

Gore ra 2015 Ropera Vanhu Vachichema Chema Zvikuru


Apo gore ra2015 rapera neChina, veruzhinji munyika vanoda kukanganwa nezvaro nekuchimbidza sezvo gore iri ranga rizere zvimhingamupinyi zvakasiyana-siyana zvavakasangana nazvo.

Vanhu vakawanda vari kuchema nerekuti gore ra2015 range riri mutoro unorema kwavari sezvo vakakundikana kuita zvavaifunga kuti vachaita mune zvakawanda.

Mumwe mugari wemuSakubva kwaMutare, Amai Alice Dube, vanoti vanorarama nekutengesa michero muguta.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Dube vanoti hapana chakanaka chavanorangangarira nezvaro chinovafadza.

Amai ava vanoti itarisiro yavo ndeyekuti gore ra2016 ringe riine chiedza ndokunge kwave nemabasa kuvazhinji, kunyange hazvo vachiziva kuti izvi hazviuye nyore.

Vanoti pamusoro pezvo, 2016 richange riri gore renzara maringe nemvura shoma iri kunaya munzvimbo dzakawanda.

Mutauriri we Progrossive Democrats of Zimbabwe, VaPishai Muchauraya, vanoti vanonzwa kutsamwa nekusafamba zvakanaka kwesarudzo mubato ravo uko vakakundwa kwavakakawikwidza.

Vanotiwo vanoshuvira bato ravo rombo rakanaka mune ramangwana.

Muzvinabhizinesi wemuguta remuMutare, VaObey Musayigwa, vanoti gore ra2015 harina kuvafambira zvakanaka mune zvemabhizinesi avo.

VaMusayigwa vanoti kana zvichienzaniswa nemamwe makore, vangasidayi vakatorana nemhuri yavo kuenda kuzororo vachindofurwa nemhepo.

Asi vanoti rwendo rwuno izvi hazvina kuitika nekuda kwekusafamba nemazvo kwemabhizinesi nekusaveko kwemari yakaringana muvashandi yekuti vakwanise kuvatengerawo.

Murairidzi, Muzvare Edith Nyika, vanoti gore ra2015 harina zvizhinji zvekutaura nezvaro kunze kwekuti igore hurumende yakakanganisira vashandi vayo nekuvasavapa mari yebhonasi nenguva yavaitarisira.

Muzvare Nyika vanoti vanoshushikana nekubatirwa kuri kuitwa vashandi vehurumende mari dzepenjeni uku mari iyi ichiuya iri shoma pamusoro pezvo mazuva avo ekutambira asina akajeka.

Kune mudzidzi, Enias Ngwerume, anoti 2015 inomurwadza sezvo akapotsa atadza kunyora bvunzo dzake dzekukoreji dzekupera kwegore nekuda kwekuti mari yake yange isina kukwana sezvo vabereki vake vakanga vasina kubharwa nenguva kumabasa avo.

Asi mumiriri weDangamvura Chikanga mudare reparamende, VaIsau Mupfumi, vanoti gore ra2015 igore ravasingazokanganwi nekuda kwekuti ndipo pavakazobudirira kuve muparamende mushure mekuedza kwemakore anopfuura gumi vachikundikana.

XS
SM
MD
LG