Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inorwisa Zvakasimba Mumitambo ye2017 First Global Challenge Asi Ichizotadza Kubudirira


Zim 1 - Team Zimbabwe
Zim 1 - Team Zimbabwe
Nyaya Ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chikwata che Zimbabwe Robotics Team chakarwisa semvumba chakabatana nedzimwe nyika, kumakwikwi e 2017 First Global Challenge kuWashington, asi pamutambo wekupedzisira, Team Zimbabwe, iyo yakange ichiita chirwira ingwe nezvikwata zve Ireland neMongolia, yakazokundwa nechikwata chenyika nhatu.

Nyika dzakakunda Zimbabwe nevamwe vayo dzinoti Georgia, Romania ne Benin pamutambo wakaitwa neChipiri, izvo zvakasiya Zimbabwe iine mapoinzi mazana mana nemakumi matanhatu nemanomwe.

Chikwata Georgia, Romania neBenin chakawana 122 points, Team Zimbabwe nevamwe vayo, Ireland neMongolia, vakawana mapoinzi gumi nemasere.

Uyu ndiwo waive mutambo wekupedzisira wakapindwa neTeam Zimbabwe mumakwikwi akatangwa nemusi wa Chikunguru 17, akapera neChipiri, Chikunguru 18.

Makwikwi aya, ayo akaona Team Europe ichienda pamusoro petafura ne 716 points, akaunganidza vana vechikoro vanobva kunyika zana nemakumi mashanu nenomwe kuti vaumbe ma robots, vachibvisa mabhora e blue, kubva pane mabhora e yellow, vachiaisa munzvimbo dzakasiyana siyana munzvimbo dzekutambira mutambo uyu.

Vachitaura pakuvharwa zviri pamutemo kwemakwikwi aya neChipiri, vechidiki ava vakati kunyange hazvo vasina kubuda zvakanaka pamakwikwi aya, vari kufara kuti vakawana mukana wekukukwidza nedzimwe nyika dzepasi rose.

Zimbabwe yakabuda zvakanaka mune mimwe mitambo yavakatamba vakabatana nedzimwe nyika mumazuva maviri emakwikwi aya asi haina kuzo kwanisa kutora menduru. Zimbabwe yakasvika pachinhambo chechi makumi mashanu netanhatu mumakwikwi aya.

Team Zimbabwe yange iine vadzidzi vechidiki vasere vanoti Anotidaishe Ndachena, Gustuv Kativu, Tariro Muzowaka, Gabriel Matemba, Nelson Mujere, Tinotendaishe Mapondera, Gamuchirai Nechitima na Vimbayi Mwayera.

Vachitaura mushure mekupetwa kwemakwikwi aya, mumwe wevaikokera chikwata ichi, Amai Aretha Mare, vakati kunyange hazvo chikwata cheZimbabwe chakarwadzikana nekusawana menduru, chiri kufara nekumisidzana kwachakaita nedzimwe nyika uye vave kutarisira mberi kumakwikwi egore rino uya.

Mumwe wevakokeri veTeam Zimbabwe, VaCharles Matanha, vakati vakafadzwa nematambiro akaita chikwata kunyangwe chisina kubuda zvakanaka.

Amai Mare vanoti shuwire yavo ndeyekuti hurumende isimbaradze rubatsiro rwainopa zvikoro nevadzidzi vanoita zvidzidzo zve science ne technology.

Mukomana wechidiki akange akatakura mureza weZimbabwe pachiitiko ichi, Ndachena, uyo anodzidza kuSt Georges, anoti chiitiko ichi chakamubata moyo sezvo akawona kukosha kwekumirira nyika yake pamberi penyika dzepasi rose dzaikwikwidzana.

Akati kunyangwe zvake akagumbuka nekusakunda, ari kutarisira makwikwi egore rino uya.

Nechitima anoti vanasikana vanofanirwa kuita zvidzidzo zve science ne technology, kwete kutyira kure.

Izvi zvinotsigirwawo naMwayera.

Team Zimbabwe yakavaka robot richange richibatsira mukutsvaga nzira dzekuchenesa mvura yekunwa. Robot reZimbabwe range richidaidzwa nerekuti “Zim 1”. Chikwata ichi chichatakura robot racho kumusha uye richange richizoratidzwa kune vamwe vanoita zvidzidzo zve science ne tchenology

Vakatanga mutambo uyu, VaDean Kamen, vanoti chakakoshera mitambo ye robotics ndechekuti inoda mushandira pamwe, kuwirirana kwevatambi mukugadzirisa panonetsa, pamwe nekudzidzisana kwevadzidzi ava.

VaKaymen vanoti vakaumba ma robot zana nemakumi matanhatu ayo akarwisana mumakundano aya.

Vadzidzi vakapinda mumitambo iyi vadzidzi vari kuita zvidzidzo zve Science, Technology, Engineering ne Mathematics, kana kuti Stem.

Team Zimbabwe ne Team Afghanstan
Team Zimbabwe ne Team Afghanstan

Kunyange hazvo mitambo iyi yakafamba zvakanaka, pane chiitiko chakamboda kuodza moyo yevatambi veku Afghanstan, avo vakambonyimwa mvumo yekupinda muAmerica.

Asi mushure mekuchema chema kwakaitika pasi rose, mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakazopa hurumende yavo mvumo yekuti vasikana vekuAfghanstan ava, vapinde munyika.

Nyika dzemuAfrica dzakatamba zvakanaka dzikaendawo pamusoro petafura dzinosanganisira Benin, Liberia, Nigeria Mozambique neMali idzo dzakapinda panyika makumi matatu dzaive pamusoro petafura.

Zvikwata zve Team Europe, Poland ne Armenia ndizvo zvakatora nazvimbo nhatu dzepamusoro petafura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG