Mumwe mutyairi wendege wepaThornhill Airbase, Tashinga Musonza, amiswa pamberi pedare muGweru achipomerwa mhosva yekuuraya musikana wake.
Mutongi wedare, Amai Pathekile Msipa, vataurira Musonza kuti ari kupomerwa mhosva yekuuraya Muzvare Lucy Duve uyo anonzi aive musikanna wake, vakatara musi wa28 Ndira sezuva richatanga kunzwikwa nyaya yake.
Musonza, uyo ane makore makumi maviri nemanomwe ekuberekwa, amira mudare asina gweta rakamumiririra uye achange ari kujeri reWhawha riri kunze kweguta reGweru.
Asi anzi anokwanisa kukwira kudare reHigh Court kuti aise chikumbiro chekubhadhara mari yechibatiso.
Musonza auya kudare akachengetedzwa zvakasimba nemapurisa ane chitsama ange akapakata zvombo uye baba naamai vemushakabvu, dzimwe hama, pamwe nevamwe veruzhinji vazadza dare vachida kunzwa nyaya iyi.
Muchuchisi wedare, Muzvare Ndamukanei Chikuni, vaudza dare kuti Musonza akarova Muzvare Duve nemaoko nezvibhakera uye magwaro aana chiremba avakanyora mushure mekunge vafa, anoratidza kuti izvi ndizvo zvakavauraya.
Muzvare Chikuni vati vane vanhu gumi nevatanhatu vanokwanisa kuve vafakazi panyaya iyi.
Baba vaLucy VaCodwell Duve vaudza Studio7 kuti vachiri kushushikana zvikuru nemafiro akaita mwana wavo.
Amai Alice Maqatha ndivo sachigaro wechikamu chedunhu reMidlands chesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe.
Svondo rakapera sangano iri rakafora mumigwagwa yeGweru semucherechedzo wekurangarira Lucy uyo aive gweta muguta reGweru, uye semucherechedzo wekurangarira mazuva gumi nematanhatu ekudzivirira mhirizhonga yemudzimba kana kuti 16 Days of Activism Against Gender based Violence.
Amai Maqatha vati vari kufara kuti Musonza azomiswa pamberi pedare.
Pakamboita mutauro vemhuri yaLucy nevamwe veruzhinji vachigunun'una apo Musonza aive aburitswa mumaoko emapurisa mushure mekunge ambosungwa, asi mapurisa akatsanangura kuti akaita izvi nekuti hazvizi pamutemo kuti varambe vakachengetedza munhu kwemazuva anopfuura maviri vasina kumuunza kudare.
Facebook Forum