Accessibility links

Breaking News

Vatatu Vanorwira Kodzero Votongwa muHarare


Harare Magistrates Courts
Harare Magistrates Courts

Kutongwa kwemutori wenhau anoshanda akazvimirira nedzimwe nhengo mbiri dzinorwira kodzero dzevanhu, avo vari kupomerwa mhosva yekutora mifananidzo panzvimbo yakachengetedzwa, kwatanga mu Harare neChipiri.

Kutongwa kwemutori wenhau anoshanda akazvimirira nedzimwe nhengo mbiri dzinorwira kodzero dzevanhu, avo vari kupomerwa mhosva yekutora mifananidzo panzvimbo yakachengetedzwa, kwatanga mu Harare neChipiri.

Kutongwa kwemutori wenhau anoshanda akazvimirira, Va Edgar Gweshe, nevamwe vavo vaviri vanoti Va Donald Makuvaza naVa Charles Chidhakwa kwatanga mudare ramejasiriti mu Harare nhasi vatatu ava vachiramba mhosva yavari kupomerwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukutongwa kwenyaya iyi gweta revanhu ava, Va Tonderai Bhatasara, avo vanoshanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, vashevedza Va Gweshe kuti vape huchapupu hwavo mudare.

Muhuchapupu hwavo, Va Gweshe varamba mhosva yavari kupomerwa yekuti vakaramba kutevedzera zvavakanga vaudzwa nemupurisa kuti vasatore mifananidzo pajere re Harare Remand Prison apo pavaitora mifananidzo yevatungamiri vemasangano anoshanda akazvimirira muna Chikunguru gore rapera avo vakange vaenda kunovhakachira vatungamiri vesangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa re National Vendiors Union of Zimbabwe.

Va Bhatasara vaudza Studio 7 kuti Va Gweshe nevamwe vavo vose vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Va Gweshe vaudzawo dare kuti vaita basa ravo zviri pamutemo uye vaburitsa matsamba anoratidza kuti panguva yavakasungwa vakange vakanyoresa nebazi rehurumende rinopa vatori venhau mvumo yekuita basa ravo re Zimbabwe Media Commission.

Vatiwo pavakasungwa vakanga vari chinhambwe chinoita mamita zana kubva pajere re Harare Remand Prison pavaitora mifananidzo vachiti vakanga vasiri mukati mechinhambwe chavasingabvumirwe kuti vatore mifananidzo panzvimbo yakachengetedzwa sezvinotaurwa nemutemo.

Vachibvunzurudzwa naMuzvare Fransisca Mukumbiri vanove muchuchisi wenyaya iyi, Va Gweshe varambawo kuti ndivo vakatora mifananidzo inonzi nehurumende yakawanikwa iri mutsvimbo inochengeta mashoko kana kuti memory stick yavo vachiti hazvaigona kuti vaive ivo vakatora mifananidzo iyi vachiti panguva yavakasungwa vakanga vasina computer yaiita kuti vakwanise kubvisa mifananidzo yavakatora kubva pamuchina wavo wekutoresa mifananidzo kuendesa pa memory stick iyi.

Kutongwa kwenyaya iyi kwakatarisirwa kuenderera mberi mangwana apo vamwe vasungwa munyaya iyi vakatarisirwa kupa huchapupu hwavo kudare.

Hatina kukwanisa kutaura nemunyori mukuru muZimbabwe Union of Journalists, Va Foster Dongozi, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi umwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Va Whatmore Makokoba, vati havasi kufara nekushungurudzwa kuri kuramba kuchiitwa vatori venhau panguva dzavanenge vachiita basa ravo.

Kusungwa kwakaitwa Va Gweshe nevamwe vavo kwaitevera kusungwa pamwe nekurohwa nemapurisa ekanzuru kwakaitwa vanotengesera mumigwagwa gore rapera avo vainzi vaitengesera munzvimbo dzisingabvumirwe pamutemo.

Pari zvino vanotengesera mumigwagwa ava vari kuswera vachiita hwekiti negonzo nemapurisa sezvo vanotengesa ava vachiti kutengesa ndiko kwega kuri kutovapa pundutso pakatariswa kupfugama kuri kuramba kuchiita hupfumi hwenyika.

XS
SM
MD
LG