Dare repamusoro-soro rinowona nezvebumbiro remitemo re Constitutional Court neChitatu ratura mutongo wekuti hapana mwana anobvumirwa kuti aroore kana aroorwe asati asvitsa makore gumi nemasere.
Dare reConstitutional Court ratura mutongo uyu zvichitevera nyaya yakakwidzwa kudare nevaimbova gurukota rezvemari uye vari mutungamiri webato People’s Democratic Party, Va Tendai Biti, avo vakakwidzwa nyaya iyi kudare vachiti kuroora kana kuroodza mwana asati asvitsa makore gumi enmasere kwaityora kodzero dzevana.
Zvichitevera mutongo waturwa nevatongi vedare re Constitutional Court uyu, Va Biti, avo vanove gweta zvakare, vati vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare vachiti ichi chinhanho chakakura kwazvo panyaya dzekuchengetedzwa kwekodzero dzevana nemadzimai munyika.
VaBiti vati panofanirwawo kuitwa kurudziro yekuti veruzhinji vatambire mutongo uyu sezvo uchibata kodzero dzevana nemadzimai uye vakurudzira vechechi dzemweya nevamwe veruzhinji vanga vachiroodza vana vavo vasati vasvitsa makore gumi nemasere kuti vacherechedze zvaturwa nedare nhas
Mutongo uyu unouyawo apo hurumende ichipomerwa mhosva nevemapato anopikisa kuti iri kutora nguva yakareba kunanaganisa mitemo mizhinji nebumbiro renyika zvikurusei mitemo inobata nyaya dzekodzero dzevanhu.
Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu uye vari mutungamiri wesangano reZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vati vafarawo nemtongo uyu vachiti zvekunanganisa mimwe mitemo inobata nyaya dzevana panyaya dzekuroorwa ave matakadyakare.
Muzvare Mukoko vakurudzirawo vanoshanda munyaya dzekuchengetedzwa kwekodzero dzevana vasimbaradze nyaya dzekushambadzirwa kwezvaturwa nedare nhasi kuitira kuti munhu wese ari munyika azive kuti imhosva kuroora kana kuroodza mwana asati asvika makore gumi nemasere.
Vanasikana vazhinji vaiwanzomanikidzwa nevabereki vavo kuroorwa kana kuroora vasati vasvitsa makore gumi nemasere uye vamwe vanorwira kodzero dzevana vanoti zvaikonzerwa nekutambura kuri kuita vanhu munyika.
Vanorwira kodzero dzevana ava vanotiwo vana vazhinji munyika vanga vachimanikidzwa nevanhu vakavabata chibharo kana kuenda navo pabonde vasati vasvika pamakore anobvumidzwa nemutemo.