Accessibility links

Breaking News

Botswana Yokurudzirwa Kudzorera Kunyika Dzavo Vabvakure Vari Mujeri muBotswana


Vasungwa mujeri muZimbabwe
Vasungwa mujeri muZimbabwe

Komiti yeparamende yemuBotswana inoona nezvekushandiswa kwemari nehurumende iri kukurudzira hurumende yenyika iyi kuti itange hurongwa hwekudzosera kunyika dzavo vasungwa vasiri zvizvarwa zvenyika iyi vari mumajeri muBotswana.

Mukuru wemajeri muBotswana, Amai Dinah Marathe, vaudza komiti iyi nhasi kuti huwandu hwezvizvarwa zvinobva kune dzimwe nyika zviri kupika munyika iyi hwakawanda kupfuura hwevagari vemu Botswana.

Amai Marathe vati vagari venyika iyi vari kupika jeri muBotswana vanoita zviuru zviviri, zvine mazana matanhatu ane makumi mana nevasere (2,648) kotiwo vanobva kune dzimwe nyika vachiita zviuru zvitatu zvine zana rine makumi matatu nevaviri (3,132).

Muvanhu vanobva kune dzimwe nyika vari muhusungwa ava, Amai Marathe vati zviuru zviviri zvine mazana masere ane makumi matanhatu (2,860) zvizvarwa zveZimbabwe.

Mamiriro ezvinhu mumajeri eBotswana aya ndiwo anonzi asunda komiti inoongorora kushandiswa kwemari nemapazi ehurumende yeBotswana kuti iite kurudziro iyi.

Sachigaro wekomiti iyi, VaDithapelo Keorapetse, vaudza komiti iyi kuti hurumende yeBotswana iri kushandisa mari yakawanda kwazvo ichichengeta vari mumajeri vanobva kune dzimwe nyika iyo ingashandiswa mukugadzira nzira nekuvaka zvivaka zveveruzhinji munyika iyi.

VaKeorapetse vanotiwo mugore remari ra2019/2020, bazi remajeri iri rakashandisa mamiriyoni mazana mana ane makumi maviri nenomwe ane zviuru mazana mapfumbamwe zvine makumi mana nezvishanu nezana rine makumi matatu emapula eBotswana (P427, 945, 130).

Kunze kwekuderedza mari inoshandiswa mukuchengeta vari mutirongo ava, VaKeorapetse vanoti zvizvarwa zvinobva kune dzimwe hazvivakike zvakanaka nokuti havakwanise kuvhakachirwa nehama neshamwari panguva iyo vari mujeri.

VaKeorapetse vanoti zvibvumirano zvakaitwa pakati peBotswana nedzimwe nyika, kusanganisira Zimbabwe, zvakafanira kuzadzikiswa kuitira kuti Botswana isadhurirwe nekuchengeta vanhu vakanochengetwa kunyika kwavo.

Pamusangano weBi-National Commisison wechipiri, wakaitirwa muBotswana mukutanga kwegore rakapera, nyika mbiri idzi dzakasainirana chibvumirano chekudzoserana vasungwa (exchange of prisoners) kuti vanopedzesera nguva yavo vari mujeri kumusha kwavo.

Nyanzwi munyaya dzehupfumi uye vari mudzidzisi paUniversity of Botswana, VaTendai Gamanya, vaudza Studio7 parunhare kuti vaongorori vemashandisirwo emari yehurumende vaona kuti iri kudyiwa nevanhu vasiri vegari venyika iyi asi pasina rubatsiro rwavari kupa kunyika iyi.

Botswana inoshandisa mari inosvika bhiriyoni rimwe chete pagore mukudzosera zvizvarwa zveZimbabwe zvinopinda munyika iyi zvisina magwaro nokuda kwekuoma kwehupenyu munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG