Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeBritain Inoburitsa Gwaro Rinonan'anidza Mamiriro eZvinhu muZimbabwe


Mutungamiri weBritain, VaBoris Johnson
Mutungamiri weBritain, VaBoris Johnson

Hurumende yeBritain neMuvhuro yaburitsa gwaro rinoratidza kwainoti kusagadzikana kwezvinhu muZimbabwe munyaya dzezvematongerwo enyika, kodzero dzevanhu, zveupfumi, mabhizimusi nehuwori.

Nyika iyi yayambira kuti nekuda kwezvikonzero izvi, kuita bhizimusi muZimbabwe kune matambudziko nezvimhingamipinyi zvakawanda.

Mune zvematongerwo enyika, gwaro reBritain iri rinoti kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980, Zimbabwe ingori pasi pehutongi hweZanu PF uye nyika iri kutarisira kuita dzimwe sarudzo muna 2023.

Munyaya yezvehupfumi, Britain inoti Zimbabwe iri kuramba ichisangana nematambudziko anosanganisirawo kushaikwa kwerubatsiro rwunopiwa vanhu vanotambura.

Gwaro iri rinotiwo kunyange hazvo goho rakanaka pamwe nekumuka kwehupfumi hwenyika mushure meCovid-19 zvichigona kumborerutsa matambudziko aya, hurongwa hwemuono uri kure weremangwana mune zvemabhizimusi ndihwo hunodiwa.

Gwaro reBritain iri rinotiwo Zimbabwe ine nhoroondo yekutyorwa kwekodzero dzevanhu, izvo zvakaita kuti vamwe vakuru vemauto vana vaiswe pazvirango musi wa 01 Kukadzi zvichitevera kuurayiwa nemauto kwevanhu vairatidzira muna 2018.

Zvimwe zviri kusimudzwa mugwaro iri inyaya yechioko muhomwe nehuwori uhwo Britain inoti hwatekeshera zvakazoita kuti itemere muzvinabhizimusi VaKudakwashe Tagwirei zvirango.

Gwaro iri rinotarisawo kusagadzikana kwezvemabhizimusi munyika nekuda kwezvikonzero zvakasiyanasiyana.

Studio7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, avo vari kumusangano weSADC kuMalawi.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti hapana zvitsva zviri mugwaro reBritain iri, sezvo mapoka akawanda anoongorora zvematongerwo enyika agara achisimudza nyaya idzi.

Asi VaMutasa vanoti nyaya dzose idzi dzinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti zvinhu zvikane muZimbabwe, vachiti hurumende inofanirwa kuteerera zvinyunyuto zvevanhu zvinosanganisira nyaya yekusaitwa kwesarudzo yema by-election, kugadzirisa nyaya yehuwori, uye kusiyana netsika yekushungurudza vanoonekwa sevanopesana nehurumende pamaonero.

Hurukuro naVaCharles Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG