Vamwe vakuru muhurumende vanoti hurumende yave kuda kuyedza kudzora dhora remunyika zvishoma nezvishoma mushure mekunge gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vati vari kuyedza kuita dzimwe hurukuro nebhanga reAfreximbank rine muzinda kuEgypt kuti vakwerete imwe mari yekuwedzera pamadhora mazana maviri yema bond notes ari kutenderera munyika pari zvino.
Mutungamiri webhanga iri ,VaBenedict Orama, vakaudza vatori venhau kuKigali, Rwanda kuti vakagadzirira kushanda neZimbabwe.
Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi hadzina kuwirirana kuti kuda kuwedzera mari yemabond notes kungabatsira here.
Vanotungamira bato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, uye vaimbova gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti, vanoti VaMangudya havasi kutaurira nyika chokweadi pamashandiro ema bond notes.
Pavakaparura mari iyi, VaMangudya vakati yainge yakanangana nekubatsira vanotengesa zvinhu kunze kana kuti export incentive.
VaBiti vanoti chiri kupa kuti mari ishaikwe mumabhanga inyaya yekuti hurumende iri kungokwereta mari asi isingakwanise kuidzorera.
Mashoko aya atsinhirwawo nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira nyaya dzedzidzo paZimbabwe Ezekiel Guti University, Doctor Gift Mugano.
Doctor Mugano vayambirawo kuti kuda kungodhinda mari kuchakonzera matambudziko makukutu munyika akafanana nekudhura kwezvinhu uye kushaya simba kwemari yacho.
VaBiti vatiwo ichokwadi kuti kuwedzera mabond notes kuteya nzou neriva.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mutevedzeri wemutungamiri wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, VaCallisto Jokonya, vati kuwedzera huwandu hwemari iyi kunogona kushanda.
Zimbabwe yakatanga kushandisa dhora rekuAmerica nedzimwe mari dzakaita se rand, pound yuwani nedzimwe mushure mekunge dhora remunyika ratanga kushaya simba zvisina mukare akamboona.
Kunyange kushomeka kwemari kwakamboita zviri nani munguva yehurumende yemubatanidzwa, iko zvino zvinhu zvaitazve manyama amire nerongo vanhu vachirara panze pemabhanga kuti vawane mari isingadarike madhora makumi matatu pane dzimwe nguva.
Zviri kutorawo mavhiki akawanda kuti vemakambani vakwanise kuwana mari yekutenga zvinhu kunze kwenyika kubva kuReserve Bank of Zimbabwe.
Facebook Forum