Accessibility links

Breaking News

Ishe Beperere Votarisirwa Kuvigwa kuRaffingora neChina


COVID-19 ANTIVIRAL PILL lettering, over pills and illustration of Coronavirus provided by US Centers for Disease Control and Prevention, finished graphic
COVID-19 ANTIVIRAL PILL lettering, over pills and illustration of Coronavirus provided by US Centers for Disease Control and Prevention, finished graphic

Ishe Beperere vekuMashonaland West, avo vakashaya nechirwere cheCovid-19 muHarare vari kutarisirwa kuvigwa mangwana (China) kuRaffingora.

Mambo Beperere, avo vanonzi VaAlfred Tome, vakashaya svondo rapera mushure mekurwara kwemazuva maviri chete.

Mutevedzeri wegurukota rezvematunhu, Amai Marian Chombo, vati Mamb Beperere vacharadzikwa mangwana papurazi ravo reChepstow kuRaffingora.

Amai Chombo vati kufa kwamambo Beperere kwakashamisa vanhu vakawanda mudunhu reZvimba sezvo pasina kuziviswa kwekurwara kwavo.

Amai Chombo vati Mambo Beperere ndimambo aida kuti mudunhu mavo muve nerunyararo pamwe nebudiriro uye vachida zvikuru kuti vanhu vashandise minda yavakapihwa nehurumende.

Asi Mambo Beperere vanga vasingawirirane nemhuri yekwaMugabe sezvo
vaipomerwa mhosva yekuwirirana nemutongo waMambo Zvimba wekuti mutumbi waVaRobert Mugabe, ufukunyurwe kuitira kuti unovigwa zvakare kumarinda anovigirwa magamba kuHarare.

Hama yaVaMugabe, VaDominic Matibiri, vati Mambo Beperere ndivo vaive mambo wavo nekudaro ndivo vaifanirwa kunge vakatonga nyaya yaipomerwa mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, yekuti vakaviga mufi nenzira isingabvumirwe mudunhu.

VaMatibiri vati ivhu rave kurwa rega.

Muzukuru waVaMugabe uye vari mutauriri wemhuri yekwaMugabe,
VaLeo Mugabe, vati vakashamiswa kuti nyaya yakaendesva kwaMambo
Zvimba vachiti Mambo Beperere ndivo vaifanirwa kutonga nyaya iyi asi
vati vaviri ava vaishanda pamwechete panyaya iyi.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vatatu vafa
nechirwere cheCovid-19 munyika izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika yose pazviuru zvina nemazana mana
negumi nezvipfumbamwe, 4,419.

Vamwe vanhu zana nemakumi mapfumbamwe nevaviri vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare izvo zvasvitsa vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 kubva zvachatanga pavanhu zviuru zana nemakumi maviri nazvina nemazana manomwe ane makumi manomwe nevatatu, 124,773..

Kusvika pakupera kwezuva nezuva nezuro, vanhu vabayiwa nhomba yekutanga yekudzivirira chirwere cheCovid-19 vanga vave mamiriyoni maviri ane zviuru mazana mashanu nemakumi matatu nezviviri zvine mazana manomwe nevashanu, 2, 532,705.

Vabayiwa nhomba dzose mbiri vave miriyoni imwechete ine
zviuru mazana matanhatu nemakumi matatu nezvitanhatu nemazana
mana ane makumi mapfumbamwe nevasere, 1, 636,498.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuitira kuti chirwere ichii chisarambe chichipararira munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG