Accessibility links

Breaking News

Vanhu neZvipfuyo Zvoyaura neNzara kuChipinge


VaMutseyami vanoti pari zvino vari kutsvaga rubatsiro kubva kumasangano akazvimirira kuitira kuti vabatsire vagari vemunzvimbo iyi.

Mumiriri weMusikavanhu muparamende, Va Prosper Mutseyami, vanoti nzara yapfunya chisero munharaunda yavanomirira.

VaMutseyami vanoti pari zvino vari kutsvaga rubatsiro kubva kumasangano akazvimirira kuitira kuti vabatsire vagari vemunzvimbo iyi.

VaMutseyami, avo vanomirira bato re MDC-T, vanoti zviri kunyanya kurwadza ndezvekuti zvose vanhu nezvipfuyo mudunhu reChipinge zvakatarisana nenzara inotyisa, uku mombe dzavo dzisina mafuro, sezvo mvura isiri kunaya.

Vanoti vanhu vakawanda vava kutengesa mombe dzavo nemari iri pasi pasi.

"Pari zvino veruzhinji vave kutengesa mombe dzavo kubvira pa mari inoita $10 zvichikwira sezvo mombe zhinji dziri kufa nenzara yapinda mudunhu iri. Mombe dzaitengeswa dzichibvira pamari inoita $300 dzadzika kusvika pa $30 kana mutengesi aita mhanza," Va Musteyami vaudza Studio7.

VaMutseyami vanoti kunyange hazvo vari kutsvaga chikafu, chikafu chacho chinogona kunonoka kuuya ivo vanhu vachiziya nenzara.

Bazi reUnited Nations rinoona nezvekubatsira nechikafu pasi rose rinoti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri muZimbabwe vanoda rubatsiro rwechikafu.

Hurukuro NaVa Prosper Mutseyami
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG