Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voshora Mhirizhonga Yakaitika kuChitungwiza neChipiri


Vagari vekuChitungwiza nemasangano akazvimirira vashora zvakadzama muitiro wemapurisa wakasiya vanhu vakawanda vakuvara neChipiri.

Vanhu ava vanoti mapurisa anofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu dzakachengetedzwa nebumbiro remitemo yenyika.

Zvinhu zvinonzi zvava nani munzvimbo iyi zvichitevera mhirizhonga yakaitika neChipiri pakati pevatyairi vemakombi nemapurisa.

Mapurisa anonzi akazoshandisa zvombo zvehutsi kuitira kuti vanhu vaparare.

Izvi zvakaitika mushure mekunge vatyairi varamwa mabasa vachiti vakanga vasiri kufara nedanho rekanzuru yeChitungwiza rekukwidza mari dzemitero dzinobhadharwa nevanoshandisa madutavanhu.

Vatyairi ava vainyunyutawo pamusoro pehuori hunonzi huri kuitwa nemapurisa mumigwagwa.

Nepamusana pebowa bowa iri, vanhu vakawanda vakatadza kuenda kumabasa sezvo vemakombi vainge vakapaka motokari dzavo.

Vamwe vakaona zvichiitika vanotiwo vemakombi ava vaityorawo kodzero dzevanhu sezvo vamwe vavo vairambidza vanoda zvavo kutakura vanhu.

Vagari vemuChitungwiza vari kushora zvikuru kushungurudzwa kwakaitwa vairatidzira murunyararo nemapurisa, asi vamwewo vachishora vemakombi maitiro avo ekumanikidza vakanga vasingadi kuratidzira kuti vasatakure vanhu.

Nhengo yesangano reChitungwiza Residents Trust, Va Marvellous Khumalo, vanoti zviri kuitika muguta iri zviri kushungurudza vagari vakawanda.

Rimwe remapato anopikisa re MDC-T raburitsa gwaro rinoshora chiitiko ichi richiti mapurisa havafanirwe kushungurudza vanenge vachiratidzira murunyararo.

Asi mapurisa vanonzi vari kuti ratidziro iyi yange isiri pamutemo.

Nhengo yeparamende inomirira Harare West, Muzvare Jessie Majome, vanoti zvekukwidza mari hazvisati zvaturwa semutemo muparamende pari zvino, nokudaro kukwidzwa kwemari idzi hakusi pamutemo.

Hurukuro Nava Marvellous Khumalo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro NaMuzvare Jessie Majome
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG