Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vemuWard 17 kuChitungwiza Vonetseka Kuwana maTitle Deeds eDzimba Dzavo


Vagari ava vanoti vakatenga dzimba idzi muna 1979 uye vanga vachibhadhara kpadiki padiki kusvika vapedza.
Vagari ava vanoti vakatenga dzimba idzi muna 1979 uye vanga vachibhadhara kpadiki padiki kusvika vapedza.

Vamwe vagari vemu Ward 17 kuChitungwiza vanonzi vari kuchema-chema nedambudziko ravari kusangana naro kuti vakwanise kuwana magwaro edzimba dzavo, kana kuti ma title deeds.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa neChipiri pakati pevagari nemasangano anomiririra vagari vechitungwiza, anoti reChitungwiza Community Development Network nereChitungwiza Residents Trust, CHITREST.

Musangano mukuru uyu unonzi waitarisa zvichemo zvine vagari, zvinosanganisira nyaya yekunetseka kwavari kuita kuwana magwaro edzimba dzavanoti vakatenga kukanzuru mugore ra1979 pasi pehurongwa hwekubhadhara pamwedzi pamwedzi.

Mukuru weCHITREST, Muzvare Alice Kuvheya, vanoti varidzi vedzimba idzi vari kunzi vabhadhare mari inoita mazana mashanu emadhora ekuAmerica kuti vakwanise kuwana magwaro aya.

Asi vanoti vazhinji vevaridzi vedzimba idzi vakwegura zvekuti hakuna kwavanogona kuwana mari yakadai.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi rekanzuru yeChitungwiza panyaya iyi.

Hurukuro naMuzvare Alice Kuvheya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG