Sangano re Zimbabwe Human Rights Association (ZimRights), rinoti kushingaira nekurapa chirwere chekorera kuri kuitwa nehurumende pasingagadziriswi nyaya yemvura mumaguta kwakafanana nekurapa musoro asi pasingatsvagwi chapa kuti musoro wacho uteme.
Mukuru wesangano iri, VaOkay Machisa, vanoti pombi zhinji dzinofambisa mvura netsvina dziri pasi pevhu dzakatsemuka, nekudaro dzinotambidzana mvura zviri kupa kuti hutachiwana hunokonzera chirwere chekorera hurambe huchipinda mumvura yekunwa.
VaMachisa vanoti panofanirwa kugadziriswa dambudziko remvura yakachena mumaguta, pane kuramba vanhu vachifa nekubatwa nechirwere ichi hurumende ichizomhanyamhanya kuedza kutora matanho.
Pari zvino vanhu vafa nechirwere ichi vanonzi vave kudarika makumi mana, uye zviuru zvisere nevanoradzira vachinzi vakabatwa nacho, kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kubatwa pazuva huchinzi hwaderera.
Facebook Forum