Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Voshuwira Kutambira Kisimusi Kumusha


Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti zviri kushuwira kuti dayi zvange zviri kumusha panguva ino yekisimusi.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti zviri kushuwira kuti dayi zvange zviri kumusha panguva ino yekisimusi.

Asi vazhinji vavo vanoti vakakwanisa kutumira zvekudya nezvekupfeka kumusha kunyange hazvo vakatadza kuenda.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muNew Jersey muAmerica, Muzvare Catherine Mhizha, vanoti vachange vachiyanana neshamwari mu New York pakisimusi asi shuwiro yavo ndeyekunge vari kumusha.

Muzvare Mhizha vanoti vakatumira zvekudya nezvekupfeka kumusha kuvabereki vavo uye vakwanisa kutaura navo parunhare muzuva rekisimusi.

Vaenderera mberi vachiti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muNew Jersey ne New York vanobatana svondo rega rega vachinamata vese uye vachibatsirana pamusoro pemararamiro emuAmerica.

Gungano iri rinonzi Zimbabwe Community riri muHarlem mu NewYork.

"Takakwanisa kuita gungano nemunamato mukuru muNew York svondo rapfuura apo pakasangana zvizvarwa zve Zimbabwe zvizhinji zviri munzvimbo iyi tikaridza ngoma nekuimba mururimi rwaamai izvo zvakafadza zvikuru," Muzvare Mhidza vaudza Studio7.

Vanoti gungano ravo iri riri kutarisira kuita zvirongwa zvakawanda zvonosanganisira kubatsira vamwe vanhu vari kumusha gore rinouya.

Hurukuro NaMuzvare Catherine Mhizha
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG