Vedzisvondo pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira vapinda mumigwagwa muHarare vakaita munamato muAfrica Unity Square vachikumbira hurumende nemapato ezvematongerwo kuti munyika muitwe sarudzo murunyararo.
Mutungamiriri wesangano remubatanidzwa wemachechi weZimbabwe Devine Destiny, Bishop Ancelimo Magaya, avo varonga chiitiko chanhasi, vanoti Zimbabwe yaneta nekuita sarudzo dzine kuchema nekudeuka kweropa, uye vari kunamatira gore rino kuti sarudzo dzaitwe murunyararo.
Bishop Magaya vati mapurisa, vasori nemauto vanofanira kusiyana nenyaya yekutsigira mapato ezvematongerwo enyika, voshandira vanhu vemuZimbabwe zvisinei nekuti ndevebato ripi.
Mufundisi Unotidaishe Girivara vesvondo yeNobel Ministries International yekuEpworth, vati pane mhuri dzakawanda dzakarasikirwa vevadikanwi, dzine hama dzikakuvadzwa kana kubhinywa munguva yesarudzo.
Mufundisi Girivara vaudza Studio 7 kuti zvinosuwisa kuti panguva yesarudzo kana vatenderi kunzvimbo dzakaita seEpworth vanotorambidzwa kuita minato yavo vachimanikidzwa kupinda mumisangano yezvematongerwo enyika.
Muzvare Shupi Maponga vanogara mumusha weKambuzuma vanoti vanotsigira zvikuru nyaya yekuti nyika iite sarudzo dzakachena.
Mutungamiriri webato rinopikisa reUnited Democracy Movemement, Amai Violet Mariyacha, vaudza Studio 7 kuti vapinda muchiitiko chanhasi nekuti bato ravo rinoda kuti sarudzo dziitwe murunyararo.
Mutungamiriri webato reTransform Zimbabwe, rinove nhengo yemubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC-T Alliance, VaJacob Ngarivhume, vaudza Studio 7 kuti ivo pachavo vari kunamatira kuti nyika iite sarudzo murunyararo.
VaNgarivhume vati vari kutaura nevemamwe mapato ezvematongerwo enyika vachiadzidzisa nezvekukosha kwekuita sarudzo murunyararo.
Bishop Magaya vanoti vacharamba vachiita minamato mumatunhu ese munyika pamwe nekurudzira hurumende nemapato ezvematongerwo enyika kuti nyika iite sarudzo murunyararo.
Zimbabwe ichaita sarudzo yemutungamiriri wenyika, dzeparamende pamwe nemakanzuru musi wa30 Chikunguru.
Facebook Forum