Sangano rinomiririra vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU), rinoti basa ravo ririkuvhiringwa nevasori uye vatungamiri vavo vari kutyityidzirwa.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti sangano ravo harina charinotya uye richaramba richirwira mihoro yevashandi inovakwanira.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.
VaMoyo vati hapana chachinja sezvo vanhu vachiri kunetseka munyika, uye zvinangwa zvavakamboramwira mabasa hazvina kugadziriswa.
Vatiwo ZCTU icharonga kuramwa mabasa zvekare mushure mekutambira zvinenge zvataurwa nemapazi ayo munyika mese.
“Tinekodzero dzakati kuti dziri pamutemo wenyika. Tinoenderera mberi nenyaya yekumiririra vashandi nenyaya yekuratidzira patinenge tisingafari,” VaMoyo vakaudza Studio 7. “Saka zvese izvozvo zvinhu zvatakatarisana nazvo kuti kana zvinhu zvatakataura kuti ngazvigadziriswe zvisina kugadziriswa, tinenge tave kutodzokorora izvozvo zvakaita kuti tisungwe. Hatisi kumira nekuti tiri pamberi pematare.”
Vatungamiri veZCTU vazhinji, kusanganisira VaMoyo nemutungamiri wesangano iri, VaPeter Mutasa, vakasungwa mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekukonzeresa mhirizhonga.
Vakabvisiswa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.
Vatungamiri veZCTU ava vakasungwa zvakare muna Gumiguru gore rapera vachipomerwa mhosva yekuratidzira zvisiri pamutemo.
Facebook Forum