Dare ramejisitireti muHarare rarasa chikumbiro chamuzvinabhimisisi ane mutauro mukuru munyika, VaDelish Nguwaya, chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo panyaya mbiri dzavari kupomerwa.
VaNguwaya vari kupomerwa mhosva dzekukorovhera hurumende kuti ipinde muchibvumirano chekutenga mishonga kubva kumbani yekunze yavanomirira muZimbabwe, yeDrax Consult SAGL.
Mutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti, vati VaNguwaya vadzoke kudare musi wa 30 Chikumi, asi pose apa vanenge vari mutirongo.
Amai Muchuchuti vati vanobvumirana nevachuchusi panyaya iyi kuti kana VaNguwaya vakabhadhara mari yechibatiso vanogona kuvhiringidza kuferefetwa kwenyaya iyi uye vanogona kutiza munyika sezvo mhaka yavakapara yakakura chose.
Vatiwo vamwe vavanonzi vakapara navo mhosva iyi vari kunze kwenyika.
VaNguwaya vanonzi vakapara mhosva iyi pamwe nemuridzi wekambani yeDrax Consult, LIir Dedja, uyo anonzi ari kuItaly kana kuti kuti Hungary.
Rimwe remagweta aVaNguwaya, VaTafadzwa Hungwe, vanoti dare raona VaNguwaya semunhu asingavimbike sezvo vakomboita dzimwe nyaya dzekukorovhera vanhu nguva yapfuura.
Vatiwo havana kufara nemutongo wedare uye vanovimba kuti dare repamusoro richave nemuono wakasiyana panyaya.
VaNguwaya, avo vanomirira kambani yeDrax Consult SAGL neDrax International, vakusungwa nemusi weChishanu chapfuura vachipomerwa mhosva yekutsotsa kambani yehurumende inoita zvekutenga mishonga yeNatpharm kuita chibvumirano chekutenga mishonga kukambani yavanomirira inokosha mamiriyoni makumi matanhatu emadhora ekuAmerica.
Vachuchusi panyaya iyi vanoti VaNguwaya vakanyepa kuti kambani iyi inogadzira mishonga izvo zvakaita kuti mapazi ehutano, nebazi remari ape NatPharm mvumo yekushanda neDrax.
Asi VaNguwaya vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa.
Magweta avo anoti ivo semumiriri weDrax havana chavakatadza uye vachatura kudare humbowo hunoratidza kuti Dejda uyo akatombuuya munyika akaonana nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndiye ainyora nekusaina matsamba ekutsvaga basa rekutengesa mushonga kubazi rezvehutano.
Magweta aya anotiwo ane humbowo hunoratidza kuti Drax yakapihwa basa kuNatpharm mushure mekunge bazi rezvemari raita ongororo rikaona kuti kambani iyi yainge yakachena.
VaHungwe vanoti kunyange VaNguwaya vaive ivo vaisaina matsamba ekutsvaga basa kubazi rezvehutano, hapana nhema dzakataurwa mutsamba idzi nekuti kambani yeDrax inoita mabasa akawanda kusanganisira kutengesa mishonga.
Vatiwo pachibvumirano cheDrax neNatpharm, Drax yakabuda pachena kuti mishonga yainotengesa yaiiwana kupi uye hapana kana nhema dzakataurwa muchibvumirano ichi.
Mutitikitiva ari kuita nyaya iyi akaudza dare kuti vakatanga kuferefeta nyaya iyi mushure mekunge bazi rezvehutano, raratidza kusafara nechibvumirano cheDrax neNatpharm.
Asi magweta aVaNguwaya anoti vane humbowo hunoratidza kuti mapurisa emuno akatanga kufererfeta nyaya iyi mushure mekunge sangano remapurisa pasi rese reInterpol ranyorera kuZimbabwe Republic Police richida rubatsiro pakuongorora kuti mamiriyoni maviri emadhora ekuAmerica aiinge aiswa mubhanga reDrax kuHungary yainge iri yei.
Interpol yaifungidzira kuti paive nekusafambiswa kwemari zvakanaka kana kuti money laundering sezvo Drax isina basa rayaiita raizikanwa kuti iwane mari yakawanda kudai.
Mushure maizvozvo hurumende yakabva yamisa chibvumirano cheDrax neNatpharm.
Svondo rapfuura mapurisa akabvunzurudza vakuru vakuru kuNatpharm, bazi rezvehutano pamwe nebazi rezvemari uye vazhinji vavo vanotarisira kupa humbowo kana kusungwa nekuda kwenyaya iyi.
VaNguwaya vakabuda mumifananidzo yakawanda vaine mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, pamwe nevana vaVaMnangagwa, Shaun na Collins.
Mifananidzo iyi yakakonzera mitauro yakawanda mu social media vamwe vachiti zvose zviri kuitwa naVaNguwaya, vari kutsigirwa nemhuri yemutungamiri wenyika.
Facebook Forum