Dare reHigh Court muBulawayo rati nyaya yechikumbiro chechimbi-chimbi chekuti hurumende imire hurongwa hwekuda kuviga vanhu vakauraiwa panguva yeGukurahundi ichanzwikwa svondo rinouya.
Mutongi wedare reHigh Court Justice, Martin Makonese, vati vave kuzonzwa chikumbiro ichi musi weChina svondo rinouya mushure mekunge gweta rehurumende, Rejoice Hove, rakumbira kupiwa nguva yekunyatsogadzirira zvizere.
Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, VaCharles Thomas, avo vanoti vakatochwa panguva yeGukurahundi, vachishanda pamwe nesangano reIbhetsu Likazulu, vakaendesa chikumbiro chechimbi-chimbi chekuti hurumende imbomira hurongwa hwairi kuda kuita hwekuviga patsva vanhu vakauraiwa panguva iyi.
Muchikumbiro ichi VaThomas, avo vari kumiririrwa negweta VaNqobani Sithole, vakadoma mutumgamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe, nasachigaro weNational Peace and Reconciliation VaSelo Nare saivo vanhu vane chekuita nenyaya iyi
VaSithole vati nyaya iyi ichinzwikwa svondo rinouya sezvo gweta rehurumende rakumbira nguva, izvo zvatambirwa nedare.
Amai Jenni Williams avo vanove mutungamiri wemubatanidzwa wemasangano akazvimirira ega, weMatabeleland Collective, varimowo munyaya iyi vakazvimirira pachavo vega sezvo mubatanidzwa wavo uri iwe wakavamba chirongwa chekutaura nemutungamiri wenyika kuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe.
Pane mutemo wekuti kuviga vanhu patsva vakauraiwa nenzira seyeGukurahundi chinhu chinofanirwa kuitwa hurumende ichitungamidzwa pamberi.
Pane vanhu vanopfuura zviuru makumi maviri vakauraiwa panguva yeGukurahundi pakati pemakore a1983 na1987 mumatunhu eMatabeleland neMidlands nechikwata chemauto chainzi Fifth Brigade.
VaMnangagwa vaive gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika panguva iyi mushakabvu Robert Mugabe vari mutungamiri wehurumende.
Nyaya yeGukuruhandi inogara ichimutsa mutauro munyika nekuti vamwe vanoiwona seine chekuita nekurwisana kwemarudzi.
Vamwe vanoti hurumende inifanirwa kubudisa pachena zvakaitika panguva iyi yokumbira ruregerero uye vakauraya vanhu ava votongwa kuitira kuti munyika muve nerunyararo rwechokwdi.
Hurumende haisati yakumbira ruregerero panyaya iyi kusvika pari zvino.
Facebook Forum